1Mune nhaurwa yekudarika kowakaipa mukati memoyo wangu ndikati: Hakuna kutya Mwari pamberi pameso ake.2nekuti anozvibata kumeso kwake, Achiti zvakaipa zvake hazvingazikamwi zvikavengwa.3Mashoko omuromo wake ndizvo zvakaipa nokunyengera; Akarega kuzova akachenjera nokuita zvakanaka.4Anofunga zvakaipa panhovo dzake; Anofamba nenzira isina kunaka; Haasemi zvakaipa.5Unyoro bwenyu, Jehovha, hwakasvika kudenga-denga; Kutendeka kwenyu kunosvikira kumakore;6Kururama kwenyu kwakafanana namakomo aMwari; Kutonga kwenyu kwakadzika zvikuru; Jehovha, munochengeta vanhu nemhuka.7Unyoro bwenyu, Mwari, hwakanaka-naka sei! Vana vavanhu vanondovanda pasi pomumvuri wamapapiro enyu.8Vachagutswa kwazvo nezvakakora zveimba yenyu; Muchavamwisa parwizi rwezvinofadza zvenyu.9Nekuti kwamuri ndiko kune tsime roupenyu; Muchiedza chenyu ndimo matinoona chiedza.10Rambai muchiitira vanokuzivai vunyoro bwenyu; Nokururama kwenyu kuna vane moyo yakarurama.11Rutsoka rwoanozvikudza ngarurege kusvikira kwandiri, Ruoko rwoakaipa ngarurege kundidzinga.12Apo ndopakawira pasi vaiti vezvakaipa, Vakawisirwa pasi, havangagoni kumukazve.