Shona

Psalms

37

1Usava neshungu nokuda kwavanoita zvakaipa, Usagodora vanoita zvisina kururama.2nekuti vachakurumidza kudzurwa souswa, Vachaoma semuriwo mutema.3Vimba naJehovha, uite zvakanaka; Gara panyika, ufunde tariro.4Farikana kwazvo kuna Jehovha; Iye agokupa zvinodikamwa nomoyo wako.5Isa nzira yako kuna Jehovha; Vimbawo naye, iye achazviita.6Iye achabudisa kururama kwako sechiedza, Nokururamisirwa kwako samasikati.7Nyarara pamberi paJehovha, umurindire unyerere; Usava neshungu pamusoro peanofara panzira yake, Pamusoro pemunhu anoita mano akaipa aakafunga.8Rega kutsamwa, urashe hasha; Usava neshungu, zvinongotadzisa munhu.9nekuti vanoita zvakaipa vachagurwa; Asi vanorindira Jehovha vachagara nhaka yenyika.10Kwasara chinguva chiduku, akaipa haachazovipo; Zvirokwazvo, iwe uchacherekedza zvakanaka paaigara, asi haachazovipo zvirokwazvo iwe uchacherekedza zvakanaka paaigara, asi haachazovipo.11Asi vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika; Ndivo vachafarikana kwazvo norugare rukuru.12Akaipa anofungira akarurama mano akaipa, Anomurumanira meno ake.13Ishe achamuseka; nekuti anoona kuti zuva rake rinouya.14Vakaipa vakavhomora munondo, vakawembura uta hwavo; Kuti vawisire pasi varombo navanoshaiwa, Kuti vauraya vakarurama panzira;15Munondo wavo uchapinda pamoyo yavo imene, Uye uta hwavo huchavhuniwa.16Zvishoma, zvakanaka, zvowakarurama zvinopfuura zvakawanda zvavakaipa vazhinji.17nekuti maoko avakaipa achavhuniwa; Asi Jehovha anotsigira vakarurama.18Jehovha anoziva mazuva avane moyo yakarurama; Nhaka yavo ndeyokusingaperi.19Havanganyadziswi nenguva yokuipa; Pamisi yenzara vachagutiswa.20Asi vakaipa vachaparara, Uye vavengi vaJehovha vachafanana nokunaka kwamafuro; Vacharova; vacharova soutsi.21Akaipa anokwereta, asingaripizve; Asi akarurama ane tsitsi, anopa.22nekuti vanokomborerwa naye vachagara nhaka yenyika; Asi vanotukwa naye vachaparadzwa.23Tsoka dzomunhu uyu unosimbiswa naJehovha; Unofarikana munzira yake.24Kunyange akawa, haangawiswi chose; nekuti Jehovha anomutsigira noruoko rwake.25Ndakanga ndiri muduku, zvino ndakwegura; Kunyange zvakadaro handina kutongoona akarurama achisiiwa, Kana vana vake vachipemha zvokudya.26Zuva rose anoramba ane tsitsi, achiposa; Vana vake vanokomborerwa.27Ibva pane zvakaipa, uite zvakanaka; Ugare zvakanaka nokusingaperi.28nekuti Jehovha unoda zvakarurama, Haasii vatsvene vake; Vanochengetwa nokusingaperi; Asi vana vowakaipa vachaparadzwa.29Vakarurama vachagara nhaka yenyika, Vachagaramo nokusingaperi.30Muromo wowakarurama unotaura zvenjere, Rurimi rwake runotaura zvakarurama.31Murayiro waMwari wake uri mumoyo make; Pakutsika kwake haangatongotedzemuki.32Akaipa anovandira akarurama, Achitsvaka kumuuraya.33Jehovha haangamuregeri muruoko rwake, Kana kumupa mhosva kana atongwa.34Rindira Jehovha, urambire panzira yake, Iye achakukudza kuti ugare nhaka yenyika; Kana vakaipa vachiparadzwa iwe uchazviona.35Ndakaona akaipa anesimba guru, Achitandavara somuti munyoro panyika yawo.36Zvino mumwe akapfuurazve, wanei haachipo; Ndakamutsvaka, asi akanga asichawanikwi.37Cherekedzai munhu akakwana, mutarire akarurama; nekuti kuguma komunhu uyo rugare.38Kana vari vadariki, vachaparadzwa pamwechete; Pakuguma kwavo vakaipa vachaparadzwa.39Asi kuponeswa kwavakarurama kunobva kuna Jehovha; Ndiye nhare yavo panguva yokutambudzika.40Jehovha anovabatsira, nokuvarwira; Anovarwira kuna vakaipa, nokuvaponesa, nekuti vakandovanda maari.