1Haiwa Jehovha, regai kundiraira pakutsamwa kwenyu, Musandiranga nokusafara kwenyu kukuru.2nekuti miseve yenyu yandibaya, Ruoko rwenyu runonditsikirira kwazvo.3Hakuchina hukukutu panyama yangu nokuda kwehasha dzenyu; Uye hapachina mufaro pamafupa angu nokuda kwechivi changu.4Nekuti zvakaipa zvangu zvafukidza musoro wangu; Zvinondiremera somutoro unorema.5Maronda angu anonhuwa, akaora, Nokuda kohupenzi hwangu.6Ndakakombamiswa, ndakakotamiswa kwazvo, Ndinofamba ndichichema zuva rose.7Nekuti chiuno changu chizere nevutsva; Hakuchina hukukutu panyama yangu.8Ndakati rukutu, ndavhunika kwazvo; Ndakagomera nokuda kokutambudzika komoyo wangu.9Ishe, zvose zvinoda moyo wangu zviri pamberi penyu; Hamuna kuvanzirwa kugomba kwangu.10moyo wangu unopfura, ndapererwa nesimba rangu; Kana chiri chiedza chameso angu, naicho chabva kwandiri.11Vanondida, neshamwari dzangu, vanomira kure nokuda kwehosha yangu; Uye hama dzangu dzimire kure.12Vanotsvaka upenyu hwangu vanonditeyira misungo; Uye vanotsvaka kundikuvadza vanotaura zvokuparadzwa kwangu, Asi vanofunga kundinyengera zuva rose.13Asi ini ndakafanana nematsi, handinzwi; Ndakafanana nembeveve isingashamisi muromo wayo.14Zvirokwazvo, ndakafanana nomunhu asinganzwi, Asina mhinduro pamuromo wake.15Nekuti ndimi, Jehovha, wandinotarira; imwi muchapindura, Jehovha Mwari wangu.16Nekuti ndakati, Ngavarege kufara pamusoro pangu; Kana rutsoka rwangu ruchitedzemuka, vanozvikudza pamusoro pangu.17Nekuti ndinovavarira kugumburwa, Uye njodzi yangu iri pamberi pangu nguva dzose.18Nekuti ndichazvireurura zvakaipa zvangu; Ndichachema zvivi zvangu.19Asi vavengi vangu vakasvinuka, vane simba, Uye vanondivenga ndisina mhosva vawanda.20Naivowo vanotsiva zvakaipa nezvakanaka, Ndivo vadzivisi vangu, nekuti ndinotevera chinhu chakanaka.21Regai kundisiya, Jehovha; Mwari wangu, regai kuva kure neni.22Kurumidzai kundibatsira, Ishe, imwi muponesi wangu.