1Ndakati, Ndichachenjerera nzira dzangu, Kuti ndirege kutadza norurimi rwangu; Ndichachengeta muromo wangu netomu, Kana wakaipa ari pamberi pangu.2Ndakanga ndiri mbeveve ndisingatauri, Ndakanyarara hangu, ndiri kure nezvakanaka. Kuchema kwangu kukamutswa.3moyo wangu wakange uchipisa mukati mangu; Ndakati ndichifunga, moto ukapfuta; Ipapo ndakataura norurimi rwangu, ndikati,4Jehovha, ndizivisei mugumo wangu, Uye mwero wamazuva angu, kuti akadini; Ndizivisei kuti ndinongopfuura hangu.5Tarirai, makaita mazuva angu sohupamhi bwechanza; Uye nguva yokurarama kwangu sechinhu chisipo pamberi penyu; Zvirokwazvo, munhu mumwe nomumwe kunyange akasimba kwazvo, mweya chete.6Zvirokwazvo, munhu mumwe nomumwe anofamba-famba somumvuri; Zvirokwazvo, vanoita bope pasina; Anounganidza fuma, asi haazivi kuti ndiani achaidya.7Zvino Ishe, ndakarindireiko? Tariro yangu iri kwamuri.8Ndirwirei pakudarika kwangu kose; Regai kundiita munhu anosekwa namapenzi.9Ndakanga ndiri mbeveve, handina kushamisa muromo wangu; nekuti ndimi makazviita.10Bvisai shamhu yenyu kwandiri; Ndapera nokurohwa noruoko rwenyu.11Kana muchiraira munhu muchimuranga pamusoro pezvakaipa, Munopedza kunaka kwake sechifusi; Zvirokwazvo munhu mumwe nomumwe mweya hake.12Inzwai munyengetero wangu, Jehovha, rerekerai nzeve yenyu munzwe kuchema kwangu; Musanyarara muchiona misodzi yangu, nekuti ndiri mweni kwamuri, Mutorwa, sezvakanga zvakaita madzibaba angu ose.13Regai kunditarira, kuti ndimbonaya hangu, Ndisati ndabva pano, ndikasazovapo.