1Ndakarindira-rindira Jehovha; Akarerekera nzeve kwandiri, akanzwa kuchema kwangu.2Akandibudisawo pagomba rokuparadzwa, nomudziva ramatope; Akamisa tsoka dzangu padombo, akandisimbisa pakufamba kwangu.3Akaisa rwiyo rutsva mumuromo mangu, rwokurumbidza Mwari wedu narwo; Vazhinji vachazviona, vachitya, Vachavimba naJehovha.4Akakomborerwa anoita Jehovha chivando chake. Asina hanya navanozvikudza, navanotsaukira kunhema.5Jehovha Mwari wangu, mabasa enyu, anoshamisa, amakaita, mazhinji, Nemifungo yenyu kwatiri; Hapana angaenzaniswa nemi. Kana ndikada kuzvidudzira nokuzvireva, Hazvingaverengwi nokuwanda kwazvo.6imwi hamufadzwi nezvibayiro nezvipiriso; Makandidziurira nzeve dzangu; Zvipiriso zvinopiswa nezvezvivi hamuna kuzvireva.7Ipapo ndakati, Tarirai, ndauya; Parugwaro rwakapetwa makanyorwa nezvangu,8Ndinofara kwazvo kuita kuda kwenyu, Mwari wangu; Zvirokwazvo murayiro wenyu uri mumoyo mangu.9Ndakaparidza mashoko omufaro paungano huru; Tarirai, handingadzori miromo yangu, Jehovha, munozviziva10Handina kuvanza kururama kwenyu muwoyo mangu; Ndakadudzira kutendeka kwenyu nokuponesa kwenyu; Handina kuvanzira ungano huru unyoro bwenyu nechokwadi chenyu.11Jehovha, imwi hamungandinyimi tsitsi dzenyu; Unyoro bwenyu nechokwadi chenyu zvichandichengeta nguva dzose.12nekuti madambudzo asingaverengwi akandikomberedza, Zvakaipa zvangu zvakandibata, naizvozvo handigoni kutarira kumusoro; Zvakawanda kupfuura vhudzi romusoro wangu, ndapera moyo.13Jehovha ngazvikufadzei kundirwira; Kurumidzai kundibatsira, Jehovha.14Ngavanyadziswe, ngavazvidzwe pamwechete. Ivo vanotsvaka mweya wangu kuti vauparadze, gavadzoserwe shure, vashorwe Ivo vanofarira kundikuvadza.15Ngavavhunduswe nokuda kwenyadzi dzavo Ivo vanoti kwandiri, Hekani, hekani waro!16Vose vanokutsvakai ngavafarise vave nomufaro mamuri, Vanoda kuponesa kwenyu ngavarambe vachiti, Jehovha ngaakudzwe!17Asi ini ndiri murombo nomushaiwi; Kunyange zvakadaro Ishe anondifunga; imwi muri mubatsiri wangu nomurwiri wangu; Regai kunonoka, Mwari wangu.