Shona

Psalms

41

1Wakakomborerwa ane hanya navarombo Jehovha achamurwira nomusi wezvakaipa.2Jehovha achamuchengeta nokumuraramisa, achakomborerwa panyika; Hamungamuisi pakuda kwavavengi vake,3Jehovha achapindura nhovo yourwere; Munoshandura nhovo dzake dzose pakurwara kwake.4Ini ndakati, Jehovha, ndinzwirei tsitsi; Poresai mweya wangu; nekuti ndakakutadzirai.5Vavengi vangu vanotaura zvakaipa pamusoro pangu, vachiti, Uchagofa rinhiko, zita rake rirove?6Kana mumwe achiuya kuzondiona, anotaura zvisina maturo; moyo wake unozviunganidzira zvakaipa; Kana obuda kumwe, anozviparidza.7Vose, vanondivenga, vanoita zeve-zeve pamwechete pamusoro pangu; Vanorangana kundikuvadza,8Chinhu chakaipa chakamunamatira ndizvo zvavanotaura; Zvino zvaavata pasi, haachazomukizve.9Haiwa, kunyange murume youshamwari hwangu, wandaivimba naye, aidya zvokudya zvangu, Naiye andisimudzira chichitsinho chake.10Asi imwi Jehovha, ndinzwirei tsitsi, mundisimudzei, Kuti ndivatsive.11Ndinoziviswa nechinhu ichi kuti munofadzwa neni, nekuti muvengi wangu haandikundi.12Kana ndirini munonditsigira pakururama kwangu, Munondiisa pamberi penyu nokusingaperi.13Jehovha, Mwari waIsiraeri, ngaavongwe, Kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi Ameni, zvirokwazvo Ameni.