Shona

Psalms

42

1Senondo inotakwairira hova dzemvura, Saizvozvo mweya wangu unokutakwairirai imwi Mwari.2Mweya wangu une nyota kuna Mwari, iye Mwari mupenyu, Ndichasvika rinhiko ndionekwe naMwari?3Misodzi yangu zvakanga zviri zvokudya zvangu masikati nousiku, Pakutaura kwavo zuva rose kwandiri vachiti, Mwari wako aripiko?4Ndinorangarira zvinhu izvi, ndichidurura mweya wangu mukati mangu, Zvokuti ndaienda navazhinji, ndichivatungamirira kuimba yaMwari Nenzwi rokufara nokurumbidza, tiri vazhinji vaitamba mutambo.5Unoshuwireiko, mweya wangu? Unoshaiwa rugare neiko mukati mangu? Tarira kuna Mwari; nekuti ndichazomurumbidza hangu, Nokuda kokuponesa kwechiso chake.6Haiwa Mwari, mweya wangu unosuwa mukati mangu; Naizvozvo ndinokurangarirai ndiri panyika yaJoridhani, Napamakomo eHerimoni, nechikomo cheMizari.7Pakadzika panodana pakadzika pakutinhira kwamapopopo enyu; Mafungu enyu namapoporodzi enyu akapfuura napamusoro pangu.8Asi Jehovha acharaira unyoro hwake panguva yamasikati, Usiku rwiyo rwake ruchava neni, Uye munyengetero kuna Mwari woupenyu hwangu.9Ndichati kuna Mwari, dombo rangu, Makandikangamwireiko? Ndinofambireiko ndichichema nemhaka yokumanikidza komuvengi wangu?10Zvakafanana neguyo pamafupa angu, kana vadzivisi vangu vachindizvidza; Kana vachiramba vachiti kwandiri, Mwari wako aripiko?11Unoshuwireiko, mweya wangu? Unoshaiwa rugare neiko mukati mangu? Tarira kuna Mwari; nekuti ndichazomurumbidza hangu, Iye ruponeso nechiso changu, naMwari wangu.