1Mwari, takanzwa nenzeve dzedu, madzibaba edu akatiudza, Basa ramakabata pamisi yavo, napamisi yekare.2Makadzinga vahedheni noruoko rwenyu, mukavasima ivo; Makatambudza ndudzi dzavanhu mukavaparadzira ivo.3nekuti havana kuzviwanira nyika nomunondo wavo, Ruoko rwavo haruna kuvaponesa; Asi chanza chenyu chorudyi, noruoko rwenyu, nechiedza chechiso chenyu, nekuti maivafarira.4Ndimi Mambo wangu, imwi Mwari; Rairai kuti Jakove akunde.5nemwi tichawisira pasi vadzivisi vedu; Nezita renyu tichatsika pasi vanotimukira.6nekuti handingavimbi nouta hwangu, Nomunondo wangu haungandiponesi.7Asi imwi makatiponesa pavadzivisi vedu, Mukanyadzisa vanotivenga.8Takazvirumbidza zuva rose munaMwari, Tichavonga zita renyu nokusingaperi.9Asi zvino makatirasha henyu, mukatinyadzisa; Hamuchafambi nehondo dzedu.10Munotitizisa pamberi pavadzivisi; Vanotivenga vanozvipambira.11Makatiisa samakwai akatarirwa kubayiwa; Makatiparadzira pakati pavahedheni.12Munotengesa vanhu venyu musina chamunopiwa, Hamuna kuwedzera fuma yenyu nomutengo wavo.13Munotiita vanhu vanosekwa navatinogara navo, Vanhu vanozvidzwa nokusekwa navakatikomberedza.14Munotiita shumo pakati pavahedheni, Vanhu vanotidzungudzira misoro.15Zuva rose kuzvidzwa kwangu kuri pamberi pangu, Kunyara kwechiso changu kwakandifukidza.16Nokuda kwenzwi romutuki nomuzvidzi; Nokuda komuvengi nomutsivi.17Izvi zvose zvakatiwira; kunyange zvakadaro hatina kukukangamwai, Hatina kunyengedzera pasungano yenyu.18moyo yedu haina kudzokera shure, Kutsika kwedu hakuna kutsauka panzira yenyu;19Kunyange makatipwanya-pwanya panzvimbo yamakava, Mukatifukidza nomumvuri worufu.20Kana tichinge takangamwa zita raMwari wedu, Kana kutambanudzira maoko edu kunaMwari wavamwe;21Ko Mwari haanganzveri izvozvo here? nekuti iye anoziva zvakavanzika zvomoyo.22Zvirokwazvo, nokuda kwenyu tinourawa zuva rose; Tinonzi tiri makwai akatarirwa kubayiwa.23Mukai, munovatireiko, Ishe? Mukai, musatirasha nokusingaperi.24Munovanzireiko chiso chenyu, Muchikangamwa kutambudzika kwedu nokumanikidzwa kwedu?25Nekuti mweya wedu wakotamira kuguruva; Dumbu redu rinonamatira pavhu.26Simukai mutibatsire, Mutidzikunure nokuda kounyoro bwenyu.