Shona

Psalms

45

1moyo wangu unotutuma namashoko akanaka; Ndinotaura zvinhu zvandakaita zvinoreva mambo; Rurimi rwangu ipeni yomunyori anokurumidza kunyora.2imwi makanaka-naka kupfuura vana vavanhu; Nyasha yakadururirwa pamiromo yenyu; Saka Mwari wakakuropafadzai nokusingaperi.3Sungai munondo wenyu pachiuno chenyu, imwi Wemasimba, Ukuru bwenyu nohumambo bwenyu.4Fambai noumambo bwenyu muchikunda, Nokuda kwechokwadi nounyoro nokururama; Ruoko rwenyu rworudyi ngarukudzidzisei zvinotyisa.5Miseve yenyu inopinza; Vanhu vanokundwa nemi; Inobaya pamoyo yavavengi vamambo.6Chigaro chenyu choushe, imwi Mwari, chiripo nokusingaperi-peri; Tsvimbo youshe bwenyu itsvimbo yakarurama.7Makada kururama, mukavenga kusarurama; Naizvozvo Mwari, Mwari wenyu wakakuzodzai Namafuta okufara kupfuura shamwari dzenyu.8nguvo dzenyu dzose dzakafafadzwa nemura nearosi neakasia; pamizinda yenyanga dzenzou madimbwa aakakufadzai nawo.9Vakunda vamadzimambo vari pakati pavanhukadzi venyu vanokudzwa; Paruoko rwenyu rworudyi vahosi vamire vakashonga ndarama yeOfiri.10Teerera mukunda, rangarira, urereke nzeve yako; Kangamwawo vanhu vako, neimba yababa vako;11Ipapo mambo achada kunaka kwako; nekuti ndiye Ishe wako; unamate kwaari iwe.12Uye mukunda weTiro achavapo nechipo; Vafumi pakati pavanhu vachakumbira tsitsi dzako.13Mukunda wamambo akanaka kwazvo-kwazvo mukati meimba yamambo; nguvo dzake dzakarukwa nendarama.14Uchaperekwa kuna mambo nenguvo dzakarukwa dzinamavara; Mhandara, shamwari dzake dzinomutevera, Vachaiswa kwamuri.15Vachaperekwa nomufaro nokufarisisa; Vachapinda mumba mamambo.16Panzvimbo yamadzibaba ako vana vako vachavapo, Vauchaita machinda panyika yose.17Ndichayeudzira zita renyu kusvikira kumarudzi ose; Naizvozvo ndudzi dzavanhu dzichakuvongai nokusingaperi-peri.