Shona

Psalms

46

1Mwari ndiye utiziro bwedu nesimba redu, Ndiye mubatsiri ari pedo-pedo panguva dzokumanikidzwa.2Saka hatingatyi, kunyange nyika ikashanduka, Uye kunyange makomo akakungurukira mukati mamakungwa;3mvura zhinji yawo ngaitinhire nokumutswa, makomo adedere nokupupuma kwawo.4Rwizi rwuripo nehova dzinofadza guta raMwari, Iyo nzvimbo tsvene yetabhenakeri dzeWekumusoro-soro.5Mwari ari mukati maro; haringazununguswi; Mwari acharibatsira kana utonga hwotsvuka.6Vahedheni vakaita bope, ushe hwakazununguswa; Akataura nenzwi rake, nyika ikanyauka.7Jehovha wehondo anesu; Mwari waJakove inhare yedu.8Uyai muone mabasa aJehovha, Zvishamiso zvaakaita panyika.9Anogumisa kurwa kusvikira pakuguma kwenyika; Anovhuna uta, nokuvhuna-vhuna pfumo; Anopisa ngoro dzokurwa nomoto.10Nyararai, muzive kuti ndini Mwari; Ndichava mukuru pakati pavahedheni, ndichava mukuru panyika.11Jehovha wehondo anesu; Mwari waJakove inhare yedu.