Shona

Psalms

49

1Inzwai chinhu ichi, imwi vanhu vose; Teererai, imwi mose mugere panyika;2imwi vaduku navanokudzwa, Vafumi navarombo pamwechete.3Muromo wangu uchataura huchenjeri; Uye kufunga komoyo wangu kuchava nenjere.4Ndicharerekera nzeve yangu inzwe mufananidzo; Ndichadudza shoko rangu rakavanzika nembira.5Ndichatya neiko pamisi yezvakaipa, Kana zvakaipa, zvavari pazvitsitsinho zvangu, zvichindikomba?6Ivo, vanovimba nefuma yavo, Vanozvikudza pamusoro pokuwanda kwefuma yavo;7Hapana angatongodzikunura hama yake, Kana kupa Mwari rudzikunuro pamusoro pake;8(Nokuti rudzikunuro rwemweya yawo runokosha, Runofanira kuregwa nokusingaperi;)9Kuti arambe ari mupenyu misi yose, Arege kuona kuora.10nekuti anoona kuti vachenjeri vanofa, Benzi neasina njere vanopera pamwechete, Vachisiira vamwe fuma yavo.11Murarangariro wavo wechomukati ndiwo kuti dzimba dzavo dzichagara nokusingaperi, Nougaro hwavo kusvikira kumarudzi avo ose; Nyika dzavo vanodzitumidza mazita avo.12Asi munhu haagari achikudzwa, Akafanana nemhuka dzinopera.13Iyi ndiyo nzira yamapenzi; Kunyange zvakadaro vanhu vanovatevera vachitenda zvavanotaura.14Vakatarirwa Sheori samakwai; Rufu ruchavafudza; Vakarurama vachabata ushe pamusoro pavo mangwanani; Chimiro chavo ndechekuparadzwa neSheori, kuti kurege kuva nougaro.15Asi Mwari achadzikunura mweya wangu pasimba reSheori, nekuti iye achandigamuchira.16Usatya hako iwe kana mumwe munhu achifumiswa, Kana fuma yeimba yake ichiwedzerwa.17Nekuti kana achifa hapana chaachaenda nacho; Mukurumbira wake haungaburuki uchimutevera.18Kunyange paupenyu hwake waikorokotedza mweya wake (Kunyange vanhu vaikurumbidza kana uchizviitira zvakanaka),19Achaenda iye kurudzi rwamadzibaba ake; Ivo havangatongooni chiedza nokusingaperi.20Munhu, anokudzwa, asina njere, Akafanana nemhuka dzinopera.