1Mwari, iye Mwari, Jehovha, ndiye akataura, Akadana pasi pose kubva pakubuda kwezuva kusvikira pakuvira kwaro.2Mwari akapenya Ari paZiyoni, iro rakanaka-naka kwazvo.3Mwari wedu anouya, haangarambi anyerere; Moto unoparadza pamberi pake, Dutu guru rinomukomberedza.4Anodana denga kumusoro, Napasi, kuti atongere vanhu vake;5Unganidzirai vatsvene vangu kwandiri; Ivo vakaita sungano neni nezvibayiro.6Kudenga-denga kunodudzira kururama kwake; nekuti Mwari ndiye mutongi amene.7Inzwai vanhu vangu, ndichataura; imwi Isiraeri, ndichakupupurirai, Ndini Mwari, iye Mwari wenyu.8Handingakutukiyi pamusoro pezvibayiro zvenyu; Zvipiriso zvenyu zvinopiswa zviri pamberi pangu nguva dzose.9Handingatori nzombe paimba yako, Kana nhongo dzembudzi pazvirugu zvako.10Nekuti mhuka dzose, dziri kudondo, ndedzangu, Nemombe pamakomo ane chiuru chamazana.11Ndinoziva shiri dzose dzomumakomo; Mhuka dzose, dziri musango, ndedzangu.12Kana ndaiva nenzara, handizaikuudza iwe, nekuti nyika ndeyangu, nezvaizere nazvo.13Ko ndingadya nyama yehando, Kana kumwa ropa rembudzi here?14Bayirai Mwari zvibayiro zvokuvonga; Uripire Wekumusoro-soro mhiko dzako;15Udane kwandiri pazuva rokutambudzika; Ini ndichakurwira, iwe ugondirumbidza.16Asi kuneakaipa Jehovha anoti, Iwe ungadudzira seiko zvandakatema, Nokureva sungano yangu nomuromo wako?17Zvaunovenga kurairwa, Nokurasha mashoko angu shure kwako.18Wakati uchiona mbavha, ukafarirana nayo, Unoshamwaridzana nemhombwe.19Unotendera muromo wako kureva zvakaipa, Rurimi rwako runotaura nhema.20Unogara uchipomera hama yako; Unoita makuhwa pamusoro pomwanakomana wamai vako.21Zvinhu izvi wakazviita, ndikaramba ndinyerere; Wakafunga kuti ini ndakafanana newe chose; Asi ndichakuraira, ndichirongedzera zvinhu izvi pameso ako.22Zvino fungai chinhu ichi, imwi vokukangamwa Mwari, Ndirege kukubvamburai, mukashaiwa murwiri,23Munhu, anobayira chibayiro chokuvonga, unondikudza; Uye anogadzira nzira yake zvakanaka Ndichamuratidza kuponesa kwaMwari.