1Ndinzwirei tsitsi, Mwari nokuda kounyoro bwenyu; Dzimai kudarika kwangu nokuda kwetsitsi dzenyu zhinji.2Ndisukei zvakaipa zvangu chose, Ndinatsei chivi changu.3nekuti ndinoziva kudarika kwangu; Chivi changu chinogara chiri pamberi pangu.4Ndakatadza kwamuri, kwamuri moga, Ndakaita chinhu chakaipa pamberi penyu; Kuti munzi makarurama pakutaura kwenyu, Muve usina mhosva pakutonga kwenyu.5Tarirai, ndakaberekerwa muzvakaipa; Mai vangu vakandigamuchira muzvivi.6Tarirai, munoda chokwadi pamoyo; Munoda kundidzidzisa uchenjeri mukati makavanda.7Ndinatsei nehisopi, ndive akanaka, Ndishambidzei, ndichene kupfuura mazayi echando.8Ndinzwisei mufaro ndive nomoyo muchena; Kuti mafupa amakavhuna afare.9Vanzirai zvivi zvangu chiso chenyu, Dzimai zvakaipa zvangu zvose.10Sikai mukati mangu moyo wakachena, Mwari; Vandudzai mukati mangu mweya wakarurama.11Regai kundirasha pamberi penyu; Musabvisa mweya wenyu mutsvene kwandiri.12Dzoseraizve kwandiri mufaro wokuponesa kwenyu; Nditsigirei nomweya, unoda.13Ipapo ndichadzidzisa vadariki nzira dzenyu; Uye vatadzi vachatendeukira kwamuri.14Ndirwirei pamhosva yeropa, Mwari, imwi Mwari muponesi wangu; Ipapo rurimi rwangu ruchaimbira kururama kwenyu kwazvo.15Ishe, zarurai miromo yangu; Ipapo muromo wangu uchaparidza kurumbidzwa kwenyu.16nekuti imwi hamufariri zvibayiro; ndingadai ndaikupai izvo; Hamufadzwi nechipiriso chinopiswa.17Zvibayiro zvaMwari mweya wakaputsika; moyo wakaputsika nowakapwanyika, imwi Mwari hamungaushori.18Itirai Ziyoni zvakanaka nokuda kwenyu; Vakai masvingo eJerusaremu.19Ipapo muchafarira zvibayiro zvakarurama, nechipiriso chinopiswa nechipiriso chinopiswa chose; Ipapo vachabayira nzombe paaritari yenyu.