1Unozvirumbidzireiko nezvakashata, iwe mhare? Tsitsi dzaMwari dziripo misi yose.2Rurimi rwako runofunga kutaura zvakaipa; Rwakafanana nechisvo chinopinza, ruchiita zvinonyengera.3Unoda zvakaipa kupfuura zvakanaka; Nokureva nhema kupfuura kutaura zvakarurama.4Unoda mashoko ose okuparadza, Iwe rurimi runonyengera.5Mwari achakuparadzawo saizvozvo nokusingaperi, Achakubata akakubvisa patende rako, nokukudzura panyika yavapenyu.6Vakarurama vachazviona vakatya, vachamusweveredza, vachiti,7Tarirai, hoyu munhu asina kuita Mwari nhare yake, Asi akavimba nokuwanda kwefuma yake, Akazvisimbisa pazvakaipa zvake.8Asi kana ndirini, ndakafanana nomuorivhi munyoro muimba yaMwari; Ndinovimba netsitsi dzaMwari nokusingaperi-peri.9Ndichakuvongai nokusingaperi, nekuti ndimi makazviita; Ndichamirira zita renyu pamberi pavatsvene venyu nekuti rakanaka.