Shona

Psalms

53

1Benzi rakati mumoyo maro, Mwari hakuna . Vakaora, vakaita zvakaipa zvinonyangadza; Hakuna anoita zvakanaka.2Mwari, ari kudenga, wakatarira pasi kuvana vavanhu, Kuti aone kana akachenjera aripo, Anotsvaka Mwari.3Mumwe nomumwe wavo akadzokera shure; vakasvibiswa pamwechete; Hakuna anoita zvakanaka, kunyange nomumwe.4Ko vaiti vezvakaipa havana zivo here? Ivo vanodya vanhu vangu sechingwa, Vasingadani kuna Mwari.5Vaitya kwazvo ipapo, pakanga pasina chinotyisa; nekuti Mwari akaparadza mafupa aiye akanga akakukomba; Iwe wakavanyadzisa, nekuti Mwari akavarasha.6Dai kuponeswa kwaIsiraeri kwaibva paZiyoni! Kana Mwari achidzosa vanhu vake pakutapwa, Ipapo Jakove achafara kwazvo naIsiraeri achafara.