Shona

Psalms

54

1Ndirwirei Mwari, nezita renyu, Nditongerei nesimba renyu.2Inzwai munyengetero wangu, Mwari; Rerekerai nzeve yenyu munzwe mashoko omuromo wangu.3nekuti vatorwa vakandimukira, Vamanikidzi vakatsvaka mweya wangu. Havana kuisa Mwari pamberi pavo.4Tarirai, Mwari ndiye mubatsiri wangu. Ishe ari pakati pavanotsigira mweya wangu.5Achatsiva zvakaipa kuvavengi vangu; Muvaparadze nokutendeka kwenyu.6Ndichakubayirai nechipiriso chokungopa nokuzvidira, Ndichavonga zita renyu, Jehovha, nekuti rakanaka.7Nekuti akandirwira pakutambudzika kose; Ziso rangu rakaona kukundwa kwavavengi vangu.