1Rerekerai nzeve yenyu kumunyengetero wangu, Mwari; Regai kuzvivanza pakukumbira kwangu.2Nditeererei, mundipindure. Ndinodzungaira mukuchema kwangu, ndichivuvura;3Nokuda kwenzwi romuvengi, Nokuda kokumanikidza kowakaipa; , nekuti vanondipomera zvakaipa, Vanonditambudza nokutsamwa kwavo.4moyo wangu unorwadziwa kwazvo mukati mangu; Garudzo rorufu rakandiwira,5Kutya nokubvunda zvakandiwira. Kutya kukuru kwakandifukidza.6Ini ndakati, Haiwa, dai ndaiva namapapiro senjiva! Ndaibhururuka, ndikandozorora.7Tarirai, ndingadai ndaitizira kure, Ndaindogara kurenje.8Ndaikurumidza kundovanda, Nditize mhepo inovhuvhuta nedutu guru.9Paradzai, Ishe mukanganise marimi avo; nekuti ndakaona kumanikidza nokurwa muguta.10Masikati novusiku vanoripoteredza pamasvingo aro; Zvakaipawo nezvakashata zviri mukati maro.11Kushata kuri pakati paro; Kumanikidza nokunyengera hazvibvi panzira dzaro.12Nekuti akanga asi muvengi akandishora; Ipapo ndaigona kutsunga; Akanga asi iye aindivenga akazvikudza kwandiri; Ipapo ndaimuvanda.13Asi wakange uriwe, munhu wakaenzana neni, Shamwari yangu, nomuzikamwi wangu.14Taisirangana zvakanaka, Taifamba mumba maMwari pamwechete navanhu vazhinji.15Rufu ngaruvawire kamwe-kamwe, Ngavaburikire kuSheori vari vapenyu, nekuti kushata kuri paugaro hwavo, imo mukati mavo.16Kana ndirini, ndichadana kuna Mwari; Jehovha achandiponesa.17Madekwana namangwanani namasikati ndichachema ndichivuvura; Iye achanzwa inzwi rangu.18Wakadzikunura mweya wangu nerugare, kukasava nomumwe akaswedera kwandiri, nekuti vakanga vachirwa neni, vaiva vazhinji.19Mwari achanzwa, achavapindura, Iye aripo kare nakare. Nekuti havashanduki, Havatyi Mwari.20Wakatambanudzira maoko ake kuna vaiva norugare naye; Wakashora sungano yake.21Mashoko omuromo wake akatedza samafuta, Asi kurwa kwakanga kuri pamoyo pake; Mashoko ake akanga ari manyoro kupfuura mafuta, Kunyange zvakadaro yaiva minondo yakavhomorwa.22Kandira mutoro wako pamusoro paJehovha, iye achakusimbisa; Haangatongotenderi akarurama kuti azununguswe.23Asi imwi Mwari muchavaburusira kugomba rokuparadzwa; Vanhu vanokarira ropa navanonyengera havangapedzi hafu yamazuva avo; Asi ini ndichavimba nemi.