Shona

Psalms

56

1Ndinzwirei tsitsi, Mwari; nekuti vanhu vanotsvaka kundimedza; Zuva rose vanorwa neni vachindimanikidza.2Vavengi vangu vanoda kundimedza zuva rose, nekuti vanorwa neni vachizvikudza vazhinji.3Panguva yandinotya, Ndichavimba nemi.4MunaMwari ndicharumbidza shoko rake; Ndakavimba naMwari, handingatyi; Nyama ingandiiteiko?5Zuva rose vanoshandura mashoko angu; Mifungo yavo yose inondifungira zvakaipa.6Vanoungana, vanovanda, Vanocherekedza makwara angu, Kana vachivandira mweya wangu.7Vachapukunyuka nenzira yezvakaipa here? Paradzai vanhu nokutsamwa kwenyu, Mwari.8imwi munoverenga madzungairiro angu; Isai misodzi yangu mumidziyo yenyu; Haizi murugwaro rwenyu here?9ipapo vavengi vangu vachadzokera shure nomusi wandinodana; Ndinoziva chinhu ichi, kuti Mwari ari kurutivi rwangu.10MunaMwari ndicharumbidza shoko rake; MunaJehovha ndicharumbidza shoko rake.11Ndakavimba naMwari, handingatyi; Vanhu vangandiiteiko?12Ndinosungwa nezvandakakupikirai Mwari; Ndichakuvigirai zvipiriso zvokuvonga nazvo.13Nekuti makarwira mweya wangu parufu; hongu makumbo angu pakugumburwa. Kuti ndifambe pamberi paMwari Muchiedza choupenyu.