1Inzwai mashoko angu Jehovha,Rangarirai kufunga komoyo wangu.2teererai inzwi rokuchema kwangu, imwi Mambo wangu naMwari wangu; nekuti ndinonyengetera kwamuri.3Jehovha, muchanzwa inzwi rangu mangwanani;Mangwanani ndichakurongedzerai munyengetero wangu,ndichirindira.4Nekuti hamuzi Mwari anofarira zvakaipa, munhu, akashata, haangagari nemi.5Munhu anozvikudza haangamiriri pamberi penyu; Munovenga vose vanoita zvakaipa.6Muchaparadza anoreva nhema; Jehovha anosema munhu anoteura ropa neanonyengera.7Asi kana ndirini, ndichapinda mumba menyu nekuwanda kwevunyoro bwenyu, Ndichanamata ndakaringira kutemberi yenyu tsvene ndichikutyai.8Ndifambisei, Jehovha, mukururama kwenyu nekuda kwavavengi vangu; Gadzirai nzira yenyu pamberi pangu.9Nekuti hapana kutendeka pamiromo yavo; Mukati mavo makashata-shata; huro dzavo guva rakashama; Vanobata kumeso nerurimi rwavo.10Muvapei, mhosva, Jehovha ngavawe namano avo;Nokuti vakakumukirai.11Asi vose vanovimba nemwi ngavafare, Ngavadanidzire nomufaro nguva dzose,nokuti imwi munovadzitira; Vose vanoda zita renyu ngavafare nemi.12Nekuti mucharopafadza akarurama; imwi Jehovha, muchamukomberedza nenyasha senhovo.