Shona

Psalms

6

1Haiwa Jehovha, regai kundiraira pakutsamwa kwenyu, Musandirova nekufara kwenyu kukuru.2Ndinzwirei nyasha, Jehovha; nekuti ndaonda; Ndiponesei, Jehovha nekuti mafupa angu anoshungurudzika.3Mweya wangu unotambudzikawo zvikuru; Asi imwi Jehovha muchanonoka kusvikira mhiko?4Dzokai Jehovha, murwire mweya wangu; Ndiponesei nokuda kwevunyoro bwenyu.5nekuti parufu hapana achakurangarirai; Ndiani achakuvongai paSheori?6Ndaneta nokugomba kwangu; Usiku humwe nohumwe ndinoshambirisa nhovo dzangu; Ndinonyorovedza mubhedha wangu nemisodzi yangu.7Ziso rangu rapera nokuchema, Rinosakara nokuda kwavadzivisi vangu.8Ibvai kwandiri, imwi vaiti vose vezvakaipa. Nekuti Jehovha akanzwa inzwi rokuchema kwangu.9Jehovha akanzwa kukumbira kwangu; Jehovha achagamuchira munyengetero wangu.10Vavengi vangu vose vachanyadzwa nokutambudzika zvikuru; Vachadzoka, vachanyadzwa pakarepo.