Shona

Psalms

7

1Jehovha Mwari wangu, ndinovimba nemi; Ndiponesei kuna vose vanonditeverera, mundirwire;2Kuti arege kubvambura mweya wangu seshumba, aubvamburanye, ndichishaiwa anondirwira.3Jehovha Mwari wangu, kana ndichinge ndakaita izvozvi; Kana zvakaipa zvirimo mumaoko angu;4Kana ndichinge ndakaitira zvakaipa munhu aiva noukama neni; (Izvo, ndakanunura waiva mudzivisi wangu pasina mhosva;)5Muvengi ngaateverere mweya wangu, aubate; Ngaatsikire upenyu hwangu pasi, Aise kukudzwa kwangu muguruva.6Mukai mundirwire Jehovha pakutsamwa kwenyu; mukirai hasha dzavadzivisi vangu; Mumuke nokuda kwangu; ndimwi makaraira kuti zvakarurama zviitwe.7Ungano yendudzi dzavanhu ngaikupoteredzei; Mudzokere kumusoro pamusoro pavo.8Jehovha anotonga ndudzi dzavanhu; Nditongei Jehovha sokururama kwangu, uye nechokwadi zviri mandiri.9Haiwa, kuipa kwavakaipa ngakugume, asi simbisai akarurama; nekuti Mwari akarurama anoidza moyo netsvo.10nhovo yangu iri kuna Mwari, Iye anoponesa vane moyo yakarurama.11Mwari unotonga vakarurama, Zvirokwazvo, ndiMwari unotsamwira wakaipa zuva rimwe nerimwe.12Kana munhu asingatendeuki, iye acharodza munondo wake; Akakunga uta hwake, akahugadzira.13Akamugadzirirawo nhumbi dzokuuraya nadzo; Anoitira vadzingiriri miseve inopisa.14Tarira, anotambudzika pakubereka zvakaipa; Zvirokwazvo, akava nemimba yezvakashata, akabereka nhema.15Akachera hunza, akaidzikisa, Akawira mugomba raakachera iye.16Zvakashata zvake zvichadzokera pamusoro wake amene, Uye kumanikidza kwake kuchauya pamusoro pedehenya rake.17Ndichavonga Jehovha nokuda kokururama kwake; Ndichaimbira zita raJehovha Wekumusoro-soro.