Shona

Psalms

8

1Haiwa Jehovha, Ishe wedu,Zita renyu rakaisvonaka sei panyika yose! Makaisa umambo bwenyu kudenga.2Pamiromo yavacheche navanomwa makaisa simba, Nokuda kwavadzivisi venyu, Kuti munyaradze muvengi nomutsivi.3Kana ndichicherekedza denga renyu rose, iro basa remimwe yenyu,Mwedzi nenyeredzi zvamakarongedza;4Munhu chinyiko, zvamunomufunga? NoMwanakomana womunhu zvamunomushanyira?5nekuti makamuita muduku zvishoma kuvatumwa Mwari, Makamushongedza korona yokubwinya nokukudzwa.6Makamubatisa ushe hwamabasa amaoko enyu; Makaisa zvose pasi petsoka dzake.7Makwai ose nenzombe, Nemhuka dzesango;8Neshiri dzokudenga, nehove dzegungwa, Izvo zvose zvinofamba nenzira dzegungwa.9Haiwa Jehovha, Ishe wedu, Zita renyu rakaisvonaka sei panyika yose!