Shona

Psalms

59

1Ndirwirei pavavengi vangu, Mwari wangu; Ndiisei pakakwirira kure navanondimukira.2Ndirwirei pavaiti vezvakaipa, Ndiponesei pavanhu veropa.3nekuti tarirai, vanovandira mweya wangu; Vane simba vakaungana kuzorwa neni; Hakuzi nokuda kokudarika kwangu kana kwezvivi zvangu, Jehovha.4Vanomhanya nokuzvigadzira, ini ndisina mhosva hangu; Mukai mundibatsire, muone.5Iyemi Jehovha, Mwari wehondo, Mwari waIsiraeri, Mukai mushanyire vahedheni vose; Musanzwira tsitsi mudariki upi noupi akaipa.6Vanodzoka madekwana, vanohuhudza sembwa, Vanopota neguta.7Tarirai, vanodzvova nemiromo Minondo iri pamiromo yavo, nekuti vanoti, Ndianiko anganzwa?8Asi imwi Jehovha muchavaseka; Muchadadira vahedheni vose.9Imwi simba rangu, ndichakumirirai, nekuti Mwari ndiye nhare yangu yakakwirira.10Mwari wangu achandichingura netsitsi dzake; Mwari achandionesa kukundwa kwavavengi vangu.11Musavauraya, kuti vanhu vangu varege kukangamwa; Muvaparadzire nesimba renyu, muvawisire pasi, Ishe nhovo yedu.12Nokuda kwechivi chomuromo wavo, namashoko emiromo yavo, Ngavabatwe pakuzvikudza kwavo, Uye nokuda kokutuka nenhema dzavanotaura.13Vapedzei nehasha, vapedzei, varege kuzovapo; Ngavazive kuti Mwari anobata ushe pakati paJakove, Kusvikira kumigumo yenyika.14Panguva yamadekwana ngavadzoke, ngavahuhudze sembwa, Ngavapote-pote neguta.15Vachadzungaira vachitsvaka zvokudya, Vachagara usiku hwose kana vasingaguti.16Asi ini ndichaimba ndichireva simba renyu; Zvirokwazvo ndicharumbidza tsitsi dzenyu mangwanani, nekuti makanga muri nhare yangu yakakwirira, Noutiziro hwangu pazuva rokutambudzika kwangu.17Ndichakuimbirai nziyo dzokurumbidza, imwi simba rangu; nekuti Mwari ndiye nhare yangu yakakwirira, iye Mwari anondinzwira tsitsi.