Shona

Psalms

60

1Mwari, makatirasha, makatiparadza; Makanga makatsamwa; Haiwa, tidzorei.2Makabvundisa nyika; makaitsemura; Gadzirai mitswe yayo; nekuti inozununguka.3Makaratidza vanhu venyu zvinhu zvinorema; Makatimwisa waini inobata.4Makapa vanokutyai mureza, Kuti uratidzwe nokuda kwechokwadi.5Kuti vadikamwi venyu varwirwe, Tiponesei noruoko rwenyu rworudyi, mutipindure.6Mwari akataura pautsvene hwake, achiti, Ndichafara kwazvo; Ndichaganhura Shekemu, ndichayera mupata weSukoti.7Giriyadhi ndeyangu Manase ndeyangu; Efuremuwo inhawiro yomusoro wangu; Judha ndiyo tsvimbo yangu youshe.8Moabhu ndiwo mudziyo wangu wokushambidzira; Pamusoro peEdhomu ndipo pandichakandira shangu yangu; Iwe Firisitia, pururudza nokukunda nokuda kwangu.9Ndianiko achandiisa muguta rakasimba? Ndianiko achandiperekedza ndiende Edhomu?10Hamuna kutirasha here, Mwari? Hamubudi Mwari, nehondo dzedu.11Tibatsirei pamudzivisi wedu; nekuti kubatsira kwavanhu hakuna maturo.12Muna Mwari tichaita noumhare, nekuti ndiye achatsikira vadzivisi vedu pasi.