1Inzwai kuchema kwangu, Mwari, Teererai munyengetero wangu.2Ndichadana kwamuri ndiri pamugumo wapasi, kana moyo wangu waziya; Ndiperekedzerei kudombo randisingasvikiri.3nekuti imwi makanga muri utiziro hwangu, Neshongwe yangu yakasimba kwandingatiza muvengi wangu.4Ndichagara patende renyu nokusingaperi; Ndichavanda munyasi mamapapiro enyu.5Nekuti imwi Mwari makanzwa mhiko dzangu; Makadzosa nhaka yavanotya zita renyu.6Muchawedzera mazuva ohupenyu hwamambo; Makore ake achaenzana naamarudzi mazhinji.7Achagara pamberi paMwari nokusingaperi; Mumugadzirire unyoro nechokwadi, kuti zvimuchengete.8Naizvozvo ndichaimbira zita renyu nziyo dzokurumbidza nokusingaperi, Kuti ndiite mhiko dzangu zuva rimwe nerimwe.