1Zvirokwazvo, mweya wangu unongorindira Mwari; Kwaari ndiko kunobva kuponeswa kwangu.2Ndiye oga dombo rangu nomuponesi wangu; Ndiye shongwe yangu yakakwirira; handingazununguswi zvikuru.3Muchavavarira munhu kusvikira rinhiko, Kuti mumuuraye imwi mose, Sorusvingo runoda kuwa, noruzhowa runotsveyama?4Vanongorangana kuti vamusundire pasi abve paukuru hwake; Vanofarira nhema; Vanoropafadza nomuromo wavo, asi vanotuka mumoyo mavo.5Mweya wangu, rindira Mwari zvirokwazvo nekuti ndinomutarira iye.6Ndiye oga dombo rangu noruponeso rwangu; Ndiye shongwe yangu yakakwirira; handingazununguswi.7Kuna Mwari ndiko kunokuponeswa kwangu nokukudzwa kwangu; Dombo resimba rangu noutiziro hwangu zviri kuna Mwari.8Vimbai naye nguva dzose, imwi vanhu; Dururai moyo yenyu pamberi pake; Mwari ndiye utiziro bwedu.9Zvirokwazvo vanhu vasingakudzwi mweya chete, uye vanhu vanokudzwa inhema; Pakuyerwa havaremi; Vose pamwechete vakareruka kupfuura mweya.10Regai kuvimba nokumanikidza, Regai kuzvikudza pamusoro pokupambara; Kana fuma ichiwanda, regai kuinamatira nomoyo.11Mwari akataura kamwechete, Ndakazvinzwa kaviri; Kuti simba nderaMwari;12Netsitsiwo ndedzenyu, Ishe; nekuti munoitira munhu mumwe nomumwe sezvaakabata.