Shona

Psalms

63

1Mwari, imwi muri Mwari wangu; ndichakutsvakai mangwanani; Mweya wangu unenyota kwamuri, nyama yangu inokushuvai, Panyika yakaoma, inonzwisa nyota, isina mvura.2Naizvozvo ndakatarira kwamuri panzvimbo tsvene, Kuti ndione simba renyu nokubwinya kwenyu.3nekuti unyoro bwenyu hunokunda upenyu; Miromo yangu ichakurumbidzai.4Naizvozvo ndichakuvongai ndichiri mupenyu; Ndichasimudza maoko angu nezita renyu.5Mweya wangu uchaguta nezvinenge mongo namafuta; Muromo wangu uchakurumbidzai nemiromo inofara kwazvo;6Kana ndichikurangarirai panhovo yangu, Ndichikufungai panguva dzousiku.7nekuti makanga muri mubatsiri wangu, Pamumvuri wamapapiro enyu ndipo pandichafara kwazvo.8Mweya wangu unokunamatirai nesimba rose; Ruoko rwenyu rworudyi runonditsigira.9Asi avo, vanotsvaka kuparadza mweya wangu, Vachapinda munzvimbo dzapasi dzenyika.10Vachakumikidzwa pasimba romunondo; Vachava mugove wamakava.11Asi mambo achafara munaMwari; Mumwe nomumwe anopika naye achafara kwazvo; nekuti muromo wavanoreva nhema uchadzivirwa.