Shona

Psalms

65

1Imwi Mwari munofanira kurumbidzwa paZiyoni; imwi munofanira kuitirwa mhiko.2imwi vokunzwa munyengetero, Vanhu vose vanofanira kuuya kwamuri.3Mashoko akaipa ondikunda; Kana kuri kudarika kwedu muchakudzima imi.4Akaropafadzwa munhu wamunosanangura, wamunoswededza kwamuri, Kuti agare pavazhe dzenyu; Isu tichagutiswa nounaki bweimba yenyu, Iyo nzvimbo tsvene yetemberi yenyu.5Mukururama kwenyu munotipindura nezvinhu zvinotyisa, imwi Mwari muponesi wedu; imwi chivimbo chamativi ose apasi, Navari kure pagungwa;6Iye, anoteya makomo nesimba rake; Iye, akasungwa chiuno nesimba;7Iye, unonyaradza kutinhira kwamakungwa, iko kutinhira kwamafungo awo, Nokupopota kwavanhu.8Naivo vagere kumigumo vanotya zviratidzo zvenyu; Munofadza mabudiro amangwanani naamadeko.9Munoshanyira pasi, munopadiridza, Munopafumisa kwazvo; Rwizi rwaMwari ruzere nemvura; Munovagadzirira zviyo, kana magadzira pasi saizvozvo.10Munozadza mihoronga yapo kwazvo; Munoenzanisa mipanje yapo; Munopanyorovesa nemvura inopfunha; Munoropafadza zvinomera zvapo.11Munoshongedza mwaka nekorona younaki bwenyu; Makwara enyu anodonha mafuta.12Anodonha pamafuro erenje; Zvikomo zvinozvisunga nomufaro.13Mafuro akafukidzwa namapoka ezvipfuwo; Uye mipatawo yakafukidzwa nezviyo; Zvinopururudza, zvichiimbawo.