Shona

Psalms

66

1Pururudzai kuna Mwari, imwi nyika dzose;2Imbirai mukurumbira wezita rake; Rumbidzai kudzo yake.3Itiyi kuna Mwari, Mabasa enyu anotyisa sei! Vavengi venyu vachazviisa pasi penyu nemhaka youkuru bwesimba renyu.4Pasi pose pachanamata kwamuri, Pachakuimbirai; Vachaimbira zita renyu.5Uyai, muone mabasa aMwari; Anotyisa pane zvaanoitira vana vavanhu.6Akashandura gungwa rikava nyika yakaoma; Vakayambuka rwizi netsoka; Ipapo takafara maari.7Anobata ushe nokusingaperi nesimba rake; Meso ake anocherekedza ndudzi; Vanomumukira ngavarege kuzvikudza.8Vongai Mwari, imwi vanhu, inzwi rokumurumbidza ngarinzwike;9Iye anopa mweya upenyu, Asingatenderi tsoka dzedu kuti dzitedzemuke.10nekuti imwi Mwari makatiidza; Makatiidza sezvinoidzwa sirivha.11Makatipinza pamumbure; Makatitakudza mutoro unorema pazviuno zvedu.12Makafambisa vanhu pamusoro pemisoro yedu, Takapinda nomumoto nemvura; Asi makatibudisa kunzvimbo inezvakawanda.13Ndichapinda mumba menyu nezvipiriso zvinopiswa, Ndichakuitirai mhiko dzangu,14Dzakarehwa nemiromo yangu, Dzakataurwa nomuromo wangu pakutambudzika kwangu.15Ndichakubayirai zvipiriso zvinopiswa zvezvakakora, Nezvinonhuhwira zvamakondobwe; Ndichabayira nzombe pamwechete nembudzi.16Uyai munzwe, imwi mose munotya Mwari, Ndichakududzirai zvaakaitira mweya wangu.17Ndakachema kwaari nomuromo wangu, Akarumbidzwa zvikuru norurimi rwangu.18Kana ndikarangarira zvakaipa mumoyo mangu, Ishe haangandinzwi;19Asi zvirokwazvo Mwari akanzwa; Akateerera inzwi rokunyengetera kwangu.20Mwari ngaavongwe, Iye asina kuramba munyengetero wangu, kana kubvisa tsitsi yake kwandiri.