Shona

Psalms

75

1Tinokuvongai, Mwari; Tinovonga, nekuti zita renyu riri pedo; Vanhu vanoparidza mabasa enyu anoshamisa.2Kana ndichiwana nguva yakafanira, Ndichatonga zvakarurama.3Pasi pose panyauka navose vagerepo; Ndini ndakamisa mbiru dzayo.4Ndakati kuna vanamanyawi , Regai kuita namanyawi; Nokuna vakaipa, Regai kusimudza runyanga.5Regai kusimudza runyanga rwenyu kudenga; Regai kutaura nomutsipa mukukutu.6Nekuti kunyange kumabudazuva, kana kumavirira, Kana kurenje, hakuzi ikoko kunobva kukudzwa.7Asi Mwari ndiye mutongi; Anoninipisa mumwe achikudza mumwe.8Nekuti muruoko rwaJehovha munomukombe, newaini inopupuma; Uzere nezvakavhenganiswa, zvino anodurura mauri; Zvirokwazvo, vakaipa vose venyika vachasvina masese awo, nokuamwa.9Asi ini ndichaparidza nokusingaperi, Ndichaimbira Mwari waJakove nziyo dzokurumbidza.10Nyanga dzose dzavakaipa ndichadzigura; Asi nyanga dzavakarurama dzichasimudzwa.