Shona

Psalms

76

1Mwari anozikamwa pakati paJudha; Zita rake iguru pakati palsiraeri.2PaSaremiwo ndipo pane tabhenakeri yake, NapaZiyoni ugaro hwake.3Ndipo paakavhuna miseve youta; Nenhovo, nomunondo, nokurwa.4imwi munokubwinya, makanaka kwazvo, Kupfuura makomo ezvakapambwa.5Vakatsunga pamoyo, vakapambwa, vakavata hope dzavo; Pakati pavarume vane simba hakuna akawana maoko ake.6Pakutuka kwenyu, Mwari waJakove, Ngoro nebhiza zvose zvinobatwa nehope dzorufu.7Imi, iyemi, munofanira kutyiwa; Ndianiko angamira pamberi penyu kana matsamwa?8Makanzwisa vanhu kutonga kwenyu kuchibva kudenga; Pasi pakatya, pakanyarara,9Panguva yokumuka kwaMwari kuzotonga, Kuti aponese vanyoro vose vapasi.10Zvirokwazvo, kutsamwa kwavanhu kuchakurumbidzai; Munozvisunga chiuno nokutsamwa kwakasara.11Pikai, muripire Jehovha Mwari wenyu; Vose vakamupoteredza ngavauye nezvipo kuna iye anofanira kutyiwa;12Iye achagura mweya yamachinda; Anotyisa kwazvo madzimambo apasi.