Shona

Psalms

77

1Ndichadana kuna Mwari nenzwi rangu; kuna iye Mwari nenzwi rangu, acharerekera nzeve yake kwandiri.2Pazuva rokutambudzika kwangu ndakatsvaka Ishe; Ruoko rwangu rwakanga rwakatambanudzwa usiku, ndisingaregi; Mweya wangu wakaramba kunyaradzwa.3Ndinorangarira Mwari, ndokushaiwa mufaro; Ndinofungisisa, mweya wangu ndokuziya.4Hamutenderi meso angu kutsinzina; Ndinotambudzika, handigoni kutaura.5Ndakarangarira mazuva ekare, Makore enguva dzakare-kare.6Ndinozviyeudzira kuimba kwangu pakati pousiku; Ndinotaurirana nomoyo wangu; Mweya wangu wakanzvera kwazvo.7Ko Ishe angarasha nokusingaperi? Haachazonzwiri tsitsi here?8Ko tsitsi dzake dzaenda chose nokusingaperi? Chipikirwa chake chakakona nokusingaperi here?9Ko Mwari akangamwa kuva nenyasha? Apfigira tsitsi dzake nyoro pakutsamwa kwake here?10Ipapo ndakati, Ndihwo utera hwangu, Asi ndicharangarira makore oruoko rworudyi rweWekumusoro-soro.11Ndichareva zvakaitwa naJehovha; nekuti ndicharangarira zvishamiso zvenyu zvakare.12Ndichafungisawo basa renyu rose, Nokurangarira zvamakaita.13Nzira yenyu, Mwari, iri panzvimbo tsvene; Ndianiko mwari mukuru, akafanana naiye Mwari?14Ndimi Mwari anoita zvishamiso; Makaratidza simba renyu pakati pavanhu.15Makadzikunura vanhu venyu noruoko rwenyu, Ivo vanakomana vaJakove naJosefa.16Mvura zhinji yakakuonai, Mwari; Mvura zhinji yakakuonai, ikatya; Pakadzika pakabvunda.17Makore akadurura mvura; Denga rose rakabudisa inzwi; Miseve yenyu yakafambafamba kose.18inzwi rokutinhira kwenyu rakanga riri muchamupupuri; Mheni dzakavhenekera nyika; Pasi pakabvunda nokuzununguka.19Kufamba kwenyu kwakanga kuri mugungwa, Nenzira dzenyu mumvura zhinji-zhinji, Makwara enyu akanga asingazikamwi.20Makafambisa vanhu venyu seboka ramakwai, Noruoko rwaMozisi norwaAroni.