Shona

Psalms

78

1Teererai murayiro wangu, imwi vanhu vangu; Rerekerai nzeve dzenyu munzwe mashoko omuromo wangu.2Ndichashamisa muromo wangu nditaure nomufananidzo; Ndichaparidza mashoko akavanzika ekare,3Zvatakanzwa nezvatakaziva, Nezvatakaudzwa namadzibaba edu.4Hatingazvivanziri vana vavo, Asi tichaudza rudzi runotevera mabasa angarumbidzwa aJehovha , Nesimba rake, namabasa ake, anoshamisa, aakaita.5nekuti akamutsa chipupuriro pakati paJakove, Akatema murayiro pakati paIsiraeri, Akazviraira madzibaba edu, Kuti vazvizivise vana vavo;6Kuti rudzi runotevera ruzvizive, ivo vana vachazoberekwa; Ivo vasimuke vazviudze vana vavo;7Kuti tariro yavo ive kuna Mwari, Varege kukangamwa mabasa aMwari, Asi vachengete mirairo yake;8Varege kufanana namadzibaba avo, Rwakanga ruri rudzi rusingateereri, rwakamukira Mwari. Rudzi rwakaramba kururamisa moyo yavo, Uye mweya yavo yakanga isina kutendeka kuna Mwari.9Vana vaEfuraimu, kunyange vakanga vakashonga nhumbi dzokurwa nouta, Vakadzokera shure pazuva rokurwa.10Havana kuchengeta sungano yaMwari, Vakaramba kufamba nomurayiro wake;11Vakakangamwa zvaakaita, Namabasa ake akashamisa, aakavaratidza.12Wakaita zvinhu zvinoshamisa pamberi pamadzibaba avo, Panyika yeEgipita, pasango reZoani.13Wakapamura gungwa, akavayambusa; Akamisa mvura ikafanana nomurwi.14Masikatiwo wakavafambisa negore, Nousiku hwose nechiedza chomoto.15Wakapamura matombo murenje, Akavamwisa zvakanaka kwazvo sapamvura inobva pakadzika.16Akabudisawo hova dzemvura padombo, Akayererisa mvura zhinji yakaita senzizi.17Kunyange zvakadaro vakaramba vachimutadzira, Nokumukira Wekumusoro-soro murenje.18Vakaidza Mwari mumoyo mavo Vachikumbira zvokudya zvavakanga vachidawo.19Zvirokwazvo vakapopotera Mwari Vakati, Mwari angatigadzirira chokudya murenje here?20Tarirai, akarova dombo, mvura zhinji ikadzutuka, Hova dzakayerera; Ko angapa chingwawo here? Ungavigira vanhu vake nyama here?21Saka Jehovha akanzwa, akatsamwa; Moto ukaveserwa Jakove, Kutsamwa kukamukira Isiraeri.22Nekuti havana kutenda Mwari, Havana kuvimba nokuponesa kwake.23Kunyange zvakadaro wakaraira denga rose kumusoro, Akazarura mikova yokudenga;24Akanisa mana*pamusoro pavo kuti vadye, Akavapa zviyo zvokudenga.25Vanhu vakadya chingwa chavatumwa; Akavatumira zvokudya kusvikira vaguta.26Akabudisa mhepo yakabva mabvazuva, ikarira kudenga; Akafambisa mhepo yakabva nyasi nesimba rake.27Akanisawo nyama pamusoro pavo ikaita seguruva, Neshiri, dzina mapapiro, dzikaita sejecha regungwa;28Akazviwisira pakati pemisasa yavo, Pose-pose pavakanga vagere.29Ipapo vakadya, vakaguta kwazvo; Akavapa zvavakanga vachikarira.30Vakanga vasati vanyaradza kukara kwavo, Zvokudya zvavo zvakanga zvichiri mumiromo yavo,31Kutsamwa kwaMwari kukavamukira, Akauraya vakakoresa pakati pavo, Akaparadza majaya aIsiraeri.32Kunyange zvakadaro vakaramba vachitadza, Vakasatenda mabasa ake aishamisa.33Saka akapedza mazuva avo panezvisina maturo, Namakore avo panezvinotyisa.34Zvino akati achivauraya, ipapo vakamubvunza , vakashingaira kutsvaka Mwari.35Vakarangarira kuti Mwari ndiye dombo ravo, NaMwari Wokumusoro-soro mudzikunuri wavo.36Asi vakamubata kumeso nemiromo yavo, Vakamurevera nhema nendimi dzavo.37Nekuti moyo yavo yakanga isina kururama kwaari, Uye vakanga vasina kutendeka pasungano yake.38Asi iye, zvaakanga ane nyasha huru, akavakangamwira kuipa kwavo, akasavaparadza; Zvirokwazvo, kazhinji akadzora kutsamwa kwake, Akasamutsa hasha dzake dzose.39Akarangarira kuti vakanga vari nyama chete; Nemhepo, inopfuura, isingadzokizve.40Vakamumukira murenje kazhinji sei, Nokumunzwisa shungu mugwenga!41Vakapamhidzazve, vakaidza Mwari, vakakuvadza Mutsvene waIsiraeri.42Havana kurangarira ruoko rwake, Kana zuva raakavadzikunura pamudzivisi.43Panguva yaakavaratidza zviratidzo zvake Nezvishamiso zvake pasango reZoani;44Akashandura nzizi dzavo dzikava ropa, Nehova dzavo, vakakoniwa kumwa mvura yadzo.45Akatuma pakati pavo mapupira enhunzi, dzakavaruma; Namatafi, akavaparadza.46Zvibereko zvavo wakazvipa mhunduru, Zvavakabatira akazvipa mhashu.47Akaparadza mizambiringa yavo nechimvuramabwe, Nemionde yavo nechando.48Mombe dzavo akadziisawo pachimvuramabwe, Zvipfuwo zvavo akazviisa pamheni.49Akatuma pakati pavo kutsamwa kwake kukuru, Nehasha neshungu nokutambudza, Rikaita boka ravatumwa vezvakaipa.50Akagadzirira kutsamwa kwake nzira; Haana kubvisa mweya wavo parufu, Asi akaisa upenyu hwavo kuhosha;51Akarova matangwe ose paEgipita, Ivo vokutanga vesimba ravo pamatende aHami;52Asi akabudisa vanhu vake samakwai, Akavaperekedza murenje seboka rezvipfuwo.53Akavafambisa vakafara, vakasatya; Asi gungwa rakafukidza vavengi vavo.54Akavasvitsa panyika yake tsvene, Pagomo iri, raakatenga noruoko rwake rworudyi.55Akadzingawo ndudzi pamberi pavo, Akavaganhurira ivo vave nhaka yavo, Akagarisa vaIsiraeri pamatende avo.56Kunyange zvakadaro vakaidza Mwari Wekumusoro-soro, vakamumukira, Vakasachengeta zvipupuriro zvake;57Asi vadzoka, vakaita zvinonyengera. Vakatsauka souta hunonyengera.58Nekuti vakamutsa kutsamwa kwake namatunhu avo akakwirira, Vakamutsa godo rake nezvifananidzo zvavo zvakaveziwa.59Zvino Mwari akati achizvinzwa, akatsamwa kwazvo, Akasema Isiraeri kwazvo-kwazvo.60Akabva patabhenakeri yeShiro, Tende raakanga akaisa pakati pavanhu;61Akaisa simba rake mukutapwa, Nokubwinya kwake muruoko rwomudzivisi.62Vanhu vake wakavaisawo kumunondo; Akatsamwira nhaka yake kwazvo.63Moto wakapedza majaya avo; Vasikana vavo havana kuimbirwa pakuwanikwa kwavo.64Vapristi vavo vakaurawa nomunondo; Chirikadzi dzavo hadzina kuchema.65Ipapo Ishe akapepuka somunhu akanga avete, Semhare inoridza mhere nokuda kwewaini.66Akarova vadzivisi vake, vakadzokera sure. Akavanyadzisa zvisingaperi.67Akarambawo tende raJosefa, Akasanangura rudzi rwaEfuremu.68Asi akasanangura rudzi rwaJudha, Negomo reZiyoni raakanga achida.69Akavaka nzvimbo yake tsvene senhare dzakakwirira, Sapasi paakateya nokusingaperi.70Akasanangurawo Dhavhidhi muranda wake, Akamubvisa pamatanga amakwai;71Akandomutora paaifudza matunzvi aimwisa, Kuti ave mufudzi wavanhu vake Jakove, naIsiraeri nhaka yake.72Naizvozvo akavafudza nokururama komoyo wake; Akavaperekedza nouchenjeri hwamaoko ake.