Shona

Psalms

82

1Mwari anomira paungano yaMwari; Anotonga pakati pavamwari.2Muchatonga zvisina kururama kusvikira rinhiko, Muchisanangura vanhu vakaipa?3Tongerai mhaka dzavarombo nenherera; Ruramisirai vanotambudzika navanoshaiwa chose.4Sunungurai varombo navashaiwi Varwirei paruoko rwowakaipa.5Havazivi, havanzwisisi; Vanofamba-famba murima; Nheyo dzose dzapasi dzinozununguka.6Ndakati, Muri vamwari, Mose muri vanakomana veWekumusoro-soro.7Kunyange zvakadaro muchafa savanhu, Muchafa somumwe wamachinda.8Simukai Mwari, mutongere pasi; nekuti ndudzi dzose dzichava nhaka yenyu.