1Haiwa Jehovha, regai kuramba munyerere; Regai kuramba musingatauri, musanyarara Mwari.2nekuti tarirai, vavengi venyu vanoita bope; Vanokuvengai vakasimudza misoro yavo.3Vanofunga mano kuti vanyengere vanhu venyu, Vanorangana pamusoro pavakavanzwa nemi.4Vakati, Uyai, tivaparadze, varege kuzova rudzi; Kuti zita raIsiraeri rirege kuzorangarirwa.5Nekuti vakarangana nomoyo mumwe; Vanoita sungano kuzorwa nemi.6Matende aEdhomu navaIshimaeri, Moabhu navaHagari;7Gebhari, naAmoni, naAmareki; Firisitia pamwechete navagere Tire;8Asiriawo wakasangana navo; Vakabatsira vana vaRoti.9Muvaitire sezvamakaitira Midhiani; NaSisera, naJabhini, paRwizi Kishoni;10Ivo vakaparadzwa paEndori; Vakava mupfudze wapasi.11Itai vakuru vavo saOrebhi naZeebhi; Zvirokwazvo machinda avo ose saZebha naZarimuna;12Ivo vakati, Ngatizvitorere Ugaro hwaMwari huve bwedu.13Mwari wangu, muvaite seguruva rinondeyeswa nemhepo; Samakoto anodzingwa nemhepo.14Somoto unopisa dondo, Somurazvo womoto unopisa makomo;15Muvateverere saizvozvo nedutu renyu remhepo, Muvavhunduse nechamupupuri chenyu.16Fukidzai zviso zvavo nokunyadziswa; Kuti vatsvake zita renyu, Jehovha.17Ngavanyadziswe, vavhunduswe nokusingaperi; Zvirokwazvo, ngavanyadziswe vafe;18Vazive kuti imwi moga, imwi munezita rinonzi Jehovha, Ndimi Wekumusoro-soro kumusoro kwepasi pose.