Shona

Psalms

84

1Ugaro bwenyu hunodikamwa sei, imwi Jehovha wehondo!2Mweya wangu unoshuva, zvirokwazvo unopanga vazhe dzaJehovha; moyo wangu nenyama yangu zvinodana kuna Mwari mupenyu.3Zvirokwazvo, shiri yakazviwanira imba, Nyenganyenga yakazviwanira dendere, painoisa vana vayo, Ipo paaritari dzenyu, Jehovha wehondo, Mambo wangu, naMwari wangu.4Vakaropafadzwa vanogara mumba menyu; Vachagara vachikurumbidzai.5Akaropafadzwa munhu ane simba rake mamuri; Anemigwagwa inoenda Ziyoni mumoyo make.6Kana vachipfuura nomumupata wakaoma, vanouita nzvimbo inamatsime; Zvirokwazvo, mvura yomunhuruka inoufukidza nemikomborero.7Vanowedzera simba pasimba ravo, Mumwe nomumwe wavo anosvika pamberi paMwari paZiyoni.8Haiwa, Jehovha wehondo, inzwa munyengetero wangu; teererai nenzeve, Mwari waJakove.9Tarirai, Mwari, nhovo yedu, Muone chiso chomuzodzwa wenyu.10nekuti zuva rimwe pavazhe dzenyu rinokunda mamwe ane chiuru pakunaka. Ndinoti zviri nani kuti ndive murindi womukova mumba maMwari wangu, Pakuti ndigare pamatende avane zvakaipa.11nekuti Jehovha Mwari izuva nenhovo; Jehovha achapa nyasha nokukudzwa; Hapana chinhu chakanaka chaanganyima vanofamba nokururama.12Jehovha wehondo, Akaropafadzwa munhu anovimba nemi.