1Jehovha, makafarira nyika yenyu; Makadzosa Jakove pakutapwa.2Makakangamwira kutadza kwavanhu venyu, Makafukidza zvivi zvavo zvose.3Makabvisa kutsamwa kwenyu kose; Makazvidzora pahasha dzenyu dzakanyanya.4Tidzosei, Mwari muponesi wedu, Gumisai hasha dzenyu kwatiri.5Ko mucharamba makatitsamwira nokusingaperi? Muchasvitsa kutsamwa kwenyu kumarudzi namarudzi here?6imwi hamungatiraramisizve here, Kuti vanhu venyu vafare nemi?7Tiratidzei tsitsi dzenyu, Jehovha, Mutipe ruponeso rwenyu.8Ndichanzwa zvichataura Mwari Jehovha; nekuti achataura rugare kuvanhu vake nokuvatsvene vake; Asi ngavarege kudzokerazve kuupenzi.9Zvirokwazvo kuponesa kwake kuri pedo navanomutya; Kuti kubwinya kugare munyika yedu.10Tsitsi nechokwadi zvakasangana; Kururama norugare zvakatsvodana.11chokwadi chinomera pasi; Kururama kwakatarira pasi kuri kudenga.12Zvirokwazvo, Jehovha uchapa zvinhu zvakanaka; Nyika yedu ichabereka zvibereko zvayo.13Kururama kuchamutungamirira; Kuchenjerere kunzira dzetsoka dzake.