1Rerekai nzeve dzenyu, Jehovha, ndipindurei; nekuti ndiri murombo nomushaiwi.2Chengetai mweya wangu; nekuti ndiri mudikamwi wenyu; Haiwa Mwari wangu, ponesai muranda wenyu anovimba nemi.3Ndinzwirei tsitsi, Ishe, nekuti ndinodana kwamuri zuva rose.4Fadzai mweya womuranda wenyu, nekuti ndinosimudzira mweya wangu kwamuri Ishe wangu.5Nekuti imi, Ishe makanaka, munofarira kukangamwira, Mune tsitsi zhinji kuna vose vanodana kwamuri.6Rerekerai nzeve yenyu, Jehovha kumunyengetero wangu; Teererai inzwi rokukumbira kwangu.7Pazuva rokutambudzika kwangu ndichadana kwamuri, nekuti muchandipindura.8Hapana akafanana nemwi pakati pavamwari, Ishe, Uye hapana mabasa akafanana namabasa enyu.9Ndudzi dzose dzamakaita dzichauya kuzonamata pamberi penyu, Ishe, Dzicharumbidza zita renyu.10Nekuti imwi muri mukuru, munoita zvinhu zvinoshamisa, Ndimi Mwari woga.11Ndidzidzisei nzira yenyu, Jehovha, ndichafamba muchokwadi chenyu, Batanidzai moyo wangu kuti nditye zita renyu.12Ndichakurumbidzai, Ishe Mwari wangu, nomoyo wangu wose, Ndicharumbidza zita renyu nokusingaperi.13Nekuti tsitsi dzenyu ihuru kwandiri; Makarwira mweya wangu pagomba rakadzika-dzika.14Mwari, vanozvikudza vakandimukira, Ungano yavanhu, vanomanikidza, vakatsvaka mweya wangu, Havana kukuisai pamberi pavo.15Asi imi, Ishe muri Mwari une tsitsi nenyasha, Hamukurumidzi kutsamwa, mune tsitsi zhinji nechokwadi.16Ringirai kwandiri, mundinzwire tsitsi; Ipai muranda wenyu simba renyu, Muponese mwanakomana womurandakadzi wenyu.17Ndiratidzei chiratidzo mundiitire zvakanaka; Kuti vanondivenga vazvione, vanyadziswe, nekuti imwi Jehovha, makandibatsira nokundinyaradza.