1Jehovha, Mwari muponesi wangu, Ndakachema masikati nousiku pamberi penyu;2Munyengetero wangu ngaupinde pamberi penyu; Rerekerai nzeve yenyu munzwe kuchema kwangu;3nekuti mweya wangu uzere namatambudziko, Upenyu hwangu hwoswedera kuSheori.4Ndinoverengwa pamwechete navanoburukira kugomba; Ndakafanana nomunhu anoshaiwa mubatsiri;5Ndakarashirwa pakati pavakafa, Savakaurawa vavete muguva, Vamusati mucharangarira; Vakagurwa paruoko rwenyu.6Makandiisa mugomba rakadzika-dzika, Panzvimbo dzine rima, makadzika kwazvo.7Hasha dzenyu dzinorema kwazvo pamusoro pangu, Makanditambudza namafungu enyu ose.8Makaisa vazikani vangu kure neni; Makandiita chinhu chinonyangadza kwavari; Ndakapfigirwa, handigoni kubuda.9Ziso rangu ropera nemhaka yokutambudzika; Ndakadana kwamuri, Jehovha, zuva rimwe nerimwe, Ndakatambanudzira maoko angu kwamuri.10Mungaitira vakafa zvinoshamisa here? Ko vakaparara vangamuka vakakurumbidzai here?11Hunyoro bwenyu hungaparidzwa muguva here? Kana kutendeka kwenyu mukuparadza here?12Zvishamiso zvenyu zvingazikamwa murima here? Nokururama kwenyu panyika yokukangamwa here?13Asi ndakachema kwamuri, Jehovha, Munyengetero wangu uchasvika pamberi penyu mangwanani.14Jehovha, munorashireiko mweya wangu? Munovanzireiko chiso chenyu kwandiri?15Kubva pauduku hwangu ndakanga ndichitambudzwa ndichirwiso-fa; Kana ndichityiswa nemwi ndinoshaiwa mano.16Kutsamwa kwenyu kukuru kwakapfuura napamusoro pangu; Kutyisa kwenyu kwakandiparadza.17Zvakandikomberedza zuva rose semvura; Zvakandipoteredza pamwechete.18Iye, anondida, neshamwari yangu, makavaisa kure neni, Nomuzikani wangu ari murima.