1Ndichaimba ndichireva tsitsi dzaJehovha nokusingaperi; Ndichaparidza nomuromo wangu kutendeka kwenyu kumarudzi namarudzi.2nekuti ndakati: Tsitsi dzichavakwa nokusingaperi, Muchasimbisa kutendeka kwenyu mukudenga-denga mumene.3Ndakaita sungano nomusanangurwa wangu, Ndakapika kumuranda wangu Dhavhidhi, ndichiti,4Ndichamisa vana vako nokusingaperi, Nokuvaka chigaro chako choushe kusvikira kumarudzi namarudzi.5Kudenga-denga kucharumbidza zvishamiso zvenyu, Jehovha; Nokutendeka kwenyuwo paungano yavatsvene.6Nekuti ndianiko mudenga rose angaenzaniswa naJehovha? Ndianiko pakati pavanakomana vaMwari akafanana naJehovha?7Iye Mwari anotyiwa zvikuru paungano yavatsvene, Anofanira kutyiwa kupfuura vose vanomupoteredza.8Haiwa, Jehovha, Mwari wehondo, Ndianiko ane simba, akafanana nemi, Jehovha? Kutendeka kwenyu kunokukomberedzai.9Ndimi munobata kuzvikudza kwegungwa; Kana mafungu aro achisimuka, ndimi munowanyaradza.10Makaputsanya Rahabhi, somunhu akaurawa; Makaparadzira vavengi venyu noruoko rwenyu rune simba.11Kudenga-denga ndokwenyu, napasi ndopenyuwo; Nyika nezvose zvayo, ndimi makazviteya.12Kumusoro nenyasi, ndimi makazvisika; Tabhori neHerimoni anofara nezita renyu.13Munoruoko rune simba; Chanza chenyu chine simba, ruoko rwenyu rworudyi rwakasimudzwa.14Kururama nokururamisa ndidzo nheyo dzechigaro chenyu choushe; tsitsi nechokwadi zvinokutungamirirai.15Vakaropafadzwa vanhu vanoziva inzwi romufaro; Vanofamba, Jehovha, muchiedza chechiso chenyu.16Vanofara muzita renyu zuva rose; Vanosimudzwa nokururama kwenyu.17Nekuti imwi muri kubwinya kwesimba ravo; Runyanga rwedu ruchasimudzwa netsitsi dzenyu.18Nekuti nhovo yedu ndeyaJehovha; Namambo wedu ndowoMutsvene waIsiraeri.19Panguva iyo makataura navatsvene venyu pakuzviratidza kwenyu, Mukati, Ndakabatsira mhare; Ndakasimudza mumwe wakasanangurwa pakati pavanhu.20Ndakawana Dhavhidhi muranda wangu; Ndakamuzodza namafuta angu matsvene;21Chanza changu chichasimbiswa naye; Ruoko rwanguvo ruchamusimbisa.22Muvengi haangamumanikidzi; Mwanakomana wezvakaipa haangamutambudzi.23Ndichaparadza vadzivisi vake pamberi pake, Ndicharova vanomuvenga.24Asi kutendeka kwangu netsitsi dzangu zvichava naye; Runyanga rwake ruchasimudzwa nezita rangu.25Ndichaisawo ruoko rwake pamusoro pegungwa, Noruoko rwake rworudyi pamusoro penzizi.26Iye achadana kwandiri, achiti, Ndimi baba vangu, Mwari wangu, nedombo rokuponeswa kwangu.27Ndichamuitawo dangwe rangu, Mukuru wamadzimambo apasi.28Ndichamuchengetera tsitsi dzangu nokusingaperi, Sungano yangu icharamba yakasimba kwaari.29Vana vake ndichavagarisawo nokusingaperi, Chigaro chake choushe chichafanana namazuva okudenga.30Kana vana vake vakasiya murayiro wangu, Vakasafamba nezvandakatonga;31Kana vakazvidza zvandakatema, Vakasachengeta mirau yangu;32Ipapo ndichavaranga neshamhu pamusoro pokudarika kwavo, Uye nokurova pamusoro pokuipa kwavo.33Asi handingamutoreri unyoro hwangu chose, Kana kutendera kutendeka kwangu kuitiswa nhema.34Sungano yangu handingaizvidzi, Kana kushandura chinhu chakabuda pamuromo wangu.35Ndakapika kamwe chete neutsvene hwangu; Handingarevi nhema kuna Dhavhidhi;36Vana vake vachavapo nokusingaperi, Chigaro chake choushe chichafanana nezuva pamberi pangu.37Chichasimbiswa nokusingaperi somwedzi, Sechapupu chakatendeka chiri kudenga.38Asi imwi makarasha nokuramba, Makatsamwira muzodzwa wenyu.39Makasema sungano yomuranda wenyu; Makazvidza korona yake mukaikandira pasi.40Makaputsa madziro ake ose; Makaita nhare dzake matongo.41Vose vanopfuura nenzira vanopamba nhumbi dzake; Wava chinhu chinosekwa navaanogara navo.42Makasimudza ruoko rworudyi rwavadzivisi vake; Makafadza vavengi vake vose.43Zvirokwazvo, munodzosa munondo wake unopinza, Hamuna kumusimbisa pakurwa.44Makagumisa kubwinya kwake, Makawisira pasi chigaro chake choushe.45Makatapudza mazuva ohujaya hwake; Makamufukidza nokunyara.46Jehovha, muchazvivanza nokusingaperi kusvikira rinhiko? Kutsamwa kwenyu kuchapisa somoto kusvikira rinhiko?47Haiwa, rangarirai kuti nguva yangu ipfupi kwazvo; Kuti makasikira vana vavanhu vose zvinhu zvisina maturo kwazvo!48Ndoupiko munhu angararama akasaona kufa, Angarwira mweya wake pasimba reSheori here?49Ishe, unyoro bwenyu hwakare huripiko, Hwamakapika kuna Dhavhidhi nokutendeka kwenyu here?50Rangarirai, Ishe, kushorwa kwavaranda venyu; Kuti ndinotakura muchipfuva changu kushora kwavanhu vazhinji;51Uko kwakashora vavengi venyu nako, Jehovha, Kwavakashora nako makwara omuzodzwa wenyu.52Jehovha ngaavongwe nokusingaperi. Ameni, zvirokwazvo, Ameni.