1Uyo agere panzvimbo yokuvanda yeWekumusoro-soro Acharambira pamumvuri wowaMasimbaose.2Ndichati pamusoro paJehovha, Ndiye utiziro hwangu nenhare yangu, Iye Mwari wangu, wandinovimba naye.3nekuti iye achakurwira parugombe rwomuteyi weshiri, Napahosha inouraya zvikuru.4Iye achakufukidza nemhinenga yake, Uchatizira pasi pamapapiro ake; chokwadi chake inhovo huru neduku.5Haungatyi chinhu chinovhundusa usiku, Kana museve unofurwa masikati;6Kana hosha inofamba murima, Kana kuparadza kunouraya masikati.7Kurutivi rwako kuchawa vane gumi ramazana, Nezana ramazana paruoko rwako rworudyi; Asi hazvingaswederi kwauri.8uchangozvitarira hako nameso ako Ukaona mubayiro wavakaipa.9Nekuti imwi Jehovha, muri utiziro hwangu! Iwe wakaita Wekumusoro-soro ugaro hwako.10Hapana chakaipa chingakuwira, Uye hapana hosha ichaswedera patende rako.11Nekuti iye acharaira vatumwa vake pamusoro pako, Kuti vakuchengete panzira dzako dzose.12Vachakusimudza pamaoko avo, Kuti urege kugumbusa rutsoka rwako pabwe.13Uchatsika pamusoro peshumba nechiva; Mwana weshumba nenyoka uchazvitsikirira pasi.14Zvaakandida, ndichamurwira; Ndichamuisa pakakwirira, nekuti wakaziva zita rangu.15Iye achadana kwandiri, ndichamupindura; Ini ndichava naye pakutambudzika; Ndichamurwira, nokumukudza.16Ndichamugutsa noupenyu hurefu, Nokumuratidza ruponeso rwangu.