Shona

Psalms

92

1Zvakanaka kuvonga Jehovha, Nokuimbira zita renyu nziyo dzokurumbidza, imwi Wekumusoro-soro;2Kuparidza unyoro bwenyu mangwanani, Nokutendeka kwenyu usiku hwose,3Nechinoridzwa chine hungiso gumi, nomutengeramwa; Nenzwi rakanaka pambira.4nekuti imi, Jehovha, makandifadza nezvamakaita; Ndichafara kwazvo namabasa amaoko enyu.5Mabasa enyu akakura seiko, Jehovha! Mifungo yenyu yakadzika kwazvo.6Asina njere haazvizivi; Benzi harinzwisisi izvozvi,7Kana vakaipa vachimera souswa, Uye kana vaiti vose vezvakaipa vachikura; Zvinoitwa kuti vaparadzwe nokusingaperi.8Asi imwi Jehovha muri kumusoro nokusingaperi.9Nekuti tarirai, Jehovha, vavengi venyu, nekuti tarirai, Jehovha, vavengi venyu vachaparara; Vaiti vose vezvakaipa vachaparadzirwa.10Asi runyanga rwangu makarusimudza sorunyanga rwenyati; Ndakazodzwa namafuta matsva.11Ziso rangu rakaona zvakaitirwa vavengi vangu, Nzeve dzangu dzakanzwa zvakaitirwa vaiti vezvakaipa, vakandimukira.12Wakarurama uchamera somuchindwe; Achakura somusidhari paRebhanoni.13Vakasimwa mumba maJehovha Vachakura muvazhe dzaMwari wedu.14Vacharamba vachibereka zvibereko pakukwegura kwavo; Vachava vanyoro navatsva;15Kuti vaparidze kuti Jehovha akarurama; Ndiye dombo rangu, hapana chinhu chisina kururama maari.