1Jehovha anobata ushe; akafuka umambo; Jehovha akafuka simba, akazvisunga chiuno naro; Nyikawo yakateyiwa, haingazununguswi.2Chigaro chenyu choushe chakasimbiswa kubva kare; imwi muripo kubva pakusingaperi.3Jehovha, Nzizi dzakanzwisa manzwi adzo; Nzizi dzinonzwisa kutinhira kwadzo.4Jehovha anokunda manzwi emvura zhinji, Namafungu ane simba egungwa, Jehovha, ari kumusoro, ndiye ane simba.5Zvipupuriro zvenyu ndezvechokwadi kwazvo; Utsvene hunofanira imba yenyu, Jehovha, nokusingaperi.