Shona

Psalms

94

1Jehovha, Mwari mutsivi, imwi Mwari mutsivi, penyai.2Zvisimudzei, imwi Mutongi wenyika; Ipai vanozvikudza sezvavakafanira.3Jehovha, vakaipa vachafara kwazvo kusvikira rinhiko, Vakaipa vachafara kwazvo kusvikira rinhi?4Vanongotaura havo, vanotaura vachizvikudza, Vaiti vose vezvakaipa vanoita manyawi.5Vanopwanya vanhu venyu, Jehovha, Vachitambudza nhaka yenyu.6Vanouraya chirikadzi nomweni, Nenherera vanodziuraya.7Vachiti, Jehovha haazvioni, Mwari waJakove haazvirangariri.8Rangarirai imwi vasina njere pakati pavanhu; nemwi mapenzi, muchava vakachenjera rinhiko?9Iye, akasima nzeve, haanganzwi here? Iye, akaumba ziso, haangaoni here?10Iye, anoranga vahedheni, haangarairi here? Iye, anodzidzisa vanhu zivo haazivi here?11Jehovha anoziva kufunga kwavanhu,) Kuti hazvina maturo.12Akaropafadzwa munhu, anorangwa nemi, Jehovha, lye wamunodzidzisa pamurayiro wenyu;13Kuti mumuzorodzei pamazuva okutambudzika, Kusvikira vakaipa vachererwa gomba.14nekuti Jehovha haangarashi vanhu vake, Uye haangasii nhaka yake.15Nekuti kutonga kuchadzokera kukururama; Vose vane moyo yakarurama vachakutevera.16Ndianiko achandirwira pavaiti vezvakaipa? Ndianiko achandibatsira panavanoita zvakaipa?17Dai Jehovha aisava mubatsiri wangu, Mweya wangu ungadai wakakurumidza kugara pakati mwii.18Panguva yandakati, Rutsoka rwangu rwotedzemuka. Tsitsi dzenyu,Jehovha, dzakanditsigira.19Mundangariro dzangu zhinji mukati mangu Kunyaradza kwenyu kunofadza mweya wangu.20Chigaro chezvakaipa chingashamwaridzana nemwi here, Icho chinofunga kuita zvakashata nemitemo yacho?21Vanounganira upenyu hwowakarurama, Vachipa mhosva ropa risina mhosva.22Asi Jehovha ndiye nhare yangu yakasimba; Mwari wangu idombo routiziro hwangu.23Achadzosera pamusoro pavo kutadza kwavo, Achavaparadza pakati pokuita kwavo; Jehovha Mwari wedu achavaparadza.