1Uyai, tiimbire Jehovha; Ngatipururudzei dombo rokuponeswa kwedu.2Ngatisvike pamberi pake tichivonga, Ngatimupururudzirei namapisarema,3nekuti Jehovha ndiMwari mukuru, ,Mambo mukuru anokunda vamwari vose.4Nzvimbo dzakadzika dzapasi dziri muruoko rwake; Misoro yamakomo ndeyakewo.5Gungwa nderake, ndiye akariita; Maoko ake akaumba nyika yakaoma.6Uyai, tinamate tikotamire pasi; Ngatipfugame pamberi paJehovha Muiti wedu.7Nekuti ndiye Mwari wedu, Isu tiri vanhu vanofudzwa naye, namakwai oruoko rwake. Nhasi dai muchinzwa henyu inzwi rake!8Regai kuomesa moyo yenyu sapaMeribha, Sapazuva reMasa murenje;9Panguva yandakaidzwa namadzibaba enyu, Vakandiidza, vakaona zvandakaita.10Ndakanga ndine shungu pamusoro porudzi urwo makore makumi mana, Ndikati, Ndivanhu vakarashika pamoyo yavo, Havana kuziva nzira dzangu;11Saka ndakapika pakutsamwa kwangu, ndikati, Havangazopindi pazororo rangu.