Shona

Psalms

96

1Imbirai Jehovha rwiyo rutsva; Imbirai Jehovha, pasi pose.2Imbirai Jehovha, rumbidzai zita rake; Paridzai kuponesa kwake zuva rimwe nerimwe.3Dudzirai kubwinya kwake pakati pavahedheni, Mabasa ake, anoshamisa pakati pendudzi dzose.4nekuti Jehovha mukuru, anofanira kurumbidzwa kwazvo; Anofanira kutyiwa kupfuura vamwari vose.5Nekuti vamwari vose vendudzi zvifananidzo hazvo; Asi Jehovha akaita kudenga-denga.6Kukudzwa noumambo zviri pamberi pake; Simba nokunaka zviri panzvimbo yake tsvene.7Ipai Jehovha, imwi mhuri dzavanhu, Ipai Jehovha kukudzwa nesimba.8Ipai Jehovha kukudzwa kunofanira zita rake; Uyai nechipiriso, mupinde muvazhe dzake.9Namatai kuna Jehovha nenguva tsvene; Pasi pose panobvunda pamberi pake.10Itiyi pakati pavahedheni, Jehovha ndiye anobata ushe; Nyikawo yakasimbiswa, kuti irege kuzununguswa; Iye achatonga vanhu zvakarurama.11Kudenga-denga ngakufare, kwazvo; Gungwa ngaritinhire, nezvose zviri mukati maro;12Sango ngarive nomufaro, nezvose zviri mukati maro; Ipapo miti yose yedondo ichaimba nomufaro;13Pamberi paJehovha, nekuti anouya, nekuti anouya kuzotonga pasi; uchatonga nyika zvakarurama, Nendudzi nokutendeka kwake.