Shona

Romans

12

1Naizvozvo ndinokukumbirisai hama, netsitsi dzaMwari, kuti mukumikidze miviri yenyu, chive chibayiro chipenyu, chitsvene, chinogamuchirika kuna Mwari, ndiko kunamata kwenyu kunonzwisisika.2Uye musazvifananidzwa nenyika ino; asi mushandurwe nekuvandudzwa kwefungwa dzenyu, kuti muidze muzive kuda kwaMwari kwakanaka, kunogamuchirika kwakazara.3Nekuti nenyasha dzakapiwa kwandiri, ndinoti kune umwe neumwe uri pakati penyu, arege kuzvifunga kuti mukuru kupfuura paanofanira kufunga napo; asi afunge nekururama, umwe neumwe nechiyero cherutendo sezvaakagoverwa naMwari.4Nekuti sezvatine mitezo mizhinji pamuviri mumwe, asi mitezo yose haina basa rakafanana;5saizvozvo isu tiri vazhinji tiri muviri umwe muna Kristu, uye tiri mitezo umwe kune umwe.6Uye tine zvipo zvakasiyana maererano nenyasha dzinopiwa kwatiri; kana kuri kuporofita, ngatiporofite nechiyero cherutendo rwedu;7kana kuri kushumira, ngatishande pakushumira; kana unodzidzisa, pakudzidzisa;8kana unokurudzira, pakukurudzira; unopa, ngaape nemoyo wose; unotonga ngaatonge nekushingaira; unoitira tsitsi, nemufaro.9Rudo ngaruve rwechokwadi. Semai zvakaipa; muchinamatira zvakanaka.10Dananai nemoyo muchena nerudo rwehama; pakukudzana muchikundana.11Musava neusimbe pakushingaira; mupise pamweya; muchishumira Ishe;12muchifara mutariro; muchitsungirira padambudziko; muchirambira mukunyengetera;13goverai vatsvene pakushaiwa kwavo; muchishingirira kugamuchira vaeni.14Ropafadzai vanokushushai; ropafadzai, musapa rushambwa.15Farai nevanofara; uye chemai nevanochema.16Ivai nemoyo umwe, umwe kune umwe. Musafunganya zvinhu zvakakwirira, asi mufambidzane navanozvininipisa; musazviidza vakachenjera.17Musatsiva munhu chakaipa nechakaipa. Tsvakai zvakarurama pamberi pevanhu vose.18Kana zvichigona, sezviri mamuri, garai nerugare nevanhu vose.19Vadikamwi, musazvitsivira asi ipai hasha nzvimbo; nekuti kwakanyorwa, kuchinzi: kutsiva ndekwangu, ini ndicharipira, ndizvo zvinoreva Ishe.20Asi kana muvengi wako ane nzara, mupe chikafu; kana ane nyota, mupe chinwiwa; nekuti mukuita izvozvo, uchadurikidza mazimbe emoto pamusoro wake.21Usakundwa nechakaipa, asi kunda chakaipa nechakanaka.