1Zvino ndinoti: Ko Mwari wakarasa vanhu vake here? Ngazvisadaro! Nekuti iniwo ndiri muIsraeri, wembeu yaAbhurahamu, werudzi rwaBenjanimi.2Mwari haana kurasha vanhu vake vaakagara aziva. Ko hamuzivi kuti Rugwaro runoti kudini kuna Eria here? Kuti unoreverera sei kuna Mwari pamusoro pevaIsraeri, achiti:3Ishe, vakauraya vaporofita venyu, vakaputsa aritari dzenyu, zvino ini ndasara ndoga, uye vanotsvaka upenyu hwangu.4Asi mhinduro yaMwari inoti kudii kwaari? Unoti: Ndakazvichengetera zvuru zvinomwe zvevarume, vasina kufugamira ibvi kuna Bhaari.5Zvino saizvozvo nguva inowo variko vakasara maererano nesananguro yenyasha.6Zvino kana zviri zvenyasha, hazvisati zvichiri zvemabasa; asi kana zvisakadaro, nyasha hadzisisiri nyasha. Asi kana zvichibva kumabasa hazvisati zvichiri zvenyasha; kana zvisakadaro basa harizati richibasa.7Ko zvino? Israeri haana kuwana zvaakanga achitsvaka, asi vasanangurwa vakazviwana; vamwe vakawomeswa,8maererano sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Mwari wakavapa mweya wekutsumwaira; meso kuti varege kuona; nenzeve kuti varege kunzwa, kusvikira zuva ranhasi.9NaDhavhidhi unoti: Tafura yavo ngaiitwe rudzingi, nemusungo nechigumbuso nekutsiva kwavari;10meso avo ngaasvibirwe kuti varege kuona; uye mukotamise musana wavo nokusingaperi.11Zvino ndinoti: Vakagumbuswa kuti vawe here? Ngazvisadaro! Asi kubudikidza nokuwa kwavo ruponeso rwakasvika kuvahedheni, kuvamutsira godo.12Zvino kana kuwa kwavo kuri fuma yenyika, nekutapudzika kwavo fuma yevahedheni, zvikuru sei kuzara kwavo?13Nekuti ndinotaura kwamuri vahedheni; sezvandiri muapositori wevahedheni, ndinokudza basa rangu.14Kuti zvimwe ndingamutsira godo venyama yangu, ndiponese vamwe vavo.15Nekuti kana kurashwa kwavo kuri kuyananiswa kwenyika, kugamuchirwa kwavo kuchaveiko, kunze kweupenyu hunobva kuvakafa?16Zvino kana chibereko chekutanga chiri chitsvene, bunduwo rakadaro; kana mudzi uri mutsvene, matavi akadarowo;17Zvino kana mamwe amatavi akavhuniwa, iwe uri muorivhi wekudondo ukabatanidzwa pakati pavo, ukava nemugove pamwe nawo pamudzi nepamafuta emuorivhi;18usazvikudza pamusoro pematavi; asi kana uchizvikudza hausi iwe unotakura mudzi, asi mudzi unokutakura iwe.19Zvino uchati: Matavi akavhuniwa, kuti ini ndibatanidzwe.20Zvakanaka; nekusatenda vakavhuniwa, iwe unomira nerutendo. Usazvikudza, asi utye;21nekuti kana Mwari asina kurega matavi echisikigo, zvimwe haangakuregi iwewo.22Zvino tarira unyoro nekuomarara kwaMwari, kune vanowa kuomarara; asi kwauri unyoro, kana uchigara paunyoro hwake; zvimwe newewo ungatemwa.23Naivowo, kana vasingagari pakusatenda, vachabatanidzwa, nekuti Mwari unogona kuvabatanidzazve.24Nekuti kana iwe wakatemwa kumuorivhi uri wekudondo pachisikigo, ukabatanidzwa pamuorivhi wakanaka, zvichipesana nechisikigo chawo, vangabatanidzwa zvikuru sei avo vari matavi echisikigo pamuti wavo wemuorivhi?25Nekuti handidi hama kuti musaziva chakavanzika ichi, kuti murege kungwara mumanyawi enyu; kuti kuwomeswa kwemoyo kwakaitika pamusoro pevamwe vevaIsraeri kusvikira kuzara kwavahedheni kwapinda;26saizvozvo Israeri wose uchaponeswa; sezvazvakanyorwa zvichinzi: PaZiyoni pachabuda Musununguri; uchabvisa kusada Mwari kuna Jakobho;27Uye iyi isungano yangu kwavari, pandichabvisa zvivi zvavo.28Zvino maererano neevhangeri, vavengi nekuda kwenyu; asi maererano nekusanangura, vadikamwa nekuda kwemadzibaba.29Nekuti zvipo nekudana kwaMwari hazvishanduki.30Nekuti semwiwo kare makanga musina kuteerera Mwari, asi zvino makagamuchira tsitsi kubudikidza nekusateerera kwavo;31saizvozvo naivava ikozvino havana kuteerera, kuti kubudikidza netsitsi dzenyu naivo vawanewo tsitsi;32nekuti Mwari wakavapfigira vose mukusateera kwavo, kuti ave netsitsi pane vose.33Haiwa kudzika kwefuma, zvose yeuchenjeri neruzivo rwaMwari! Kutonga kwake hakunzverwi zvakadini, nenzira dzake hadzingarondwi!34Nekuti ndiani wakaziva fungwa yaMwari kana ndiani wakange ari murairidzi wake?35Ndiani wakatanga kupa kwaari, uye zvicharipirwazve kwaari?36Nekuti zvimwe zvose zvinobva kwaari kubudikidza naye, zvinoenda kwaari; umambo ngahuve kwaari nokusingaperi. Ameni.