Shona

Romans

10

1Hama, chishuwo zvirokwazvo chemoyo wangu, nemukumbiro kuna Mwari pamusoro paIsraeri ndecheruponeso rwavo.2Nekuti ndinopupura nezvavo kuti vanoshingairira Mwari, asi kwete maererano neruzivo.3Nekuti ivo zvavakanga vasingazivi kururama kwaMwari, vakatsvaka kumisa kururama kwavo vamene, vakasazviisa pasi pekururama kwaMwari.4Nekuti Kristu mugumo wemurairo pakururama, kuna ani nani unotenda.5Nekuti Mozisi unotsanangura kururama kuri kwemurairo, kuti munhu unoita zvinhu izvozvo uchararama nazvo.6Asi kururama kunobva parutendo kunotaura sezvizvi: Usati mumoyo mako: Ndiani uchakwira kudenga? uku ndiko kuti kuburusa Kristu;7kana kuti: Ndiani uchaburukira kwakadzikadzika? uku ndiko kuti kubudisa Kristuzve kuvakafa.8Asi kunoti kudini? Shoko riri pedo newe, mumuromo mako nemumoyo mako; ndiro shoko rerutendo ratinoparidza;9kuti, kana iwe uchibvuma nemuromo wako Ishe Jesu, nerutendo mumoyo mako kuti Mwari wakamumutsa kuvakafa, uchaponeswa;10nekuti nemoyo munhu unotenda kova kururama; uye nemuromo unobvuma kova kuponeswa.11Nekuti rugwaro rwunoti: Ani nani unotenda kwaari haanganyadziswi.12Nekuti hapana musiyano pakati pemuJudha nemuGiriki; nekuti ishe mumwe chete wevose wakafuma kune vose vanonamata kwaari.13Nekuti ani nani uchadana kuzita raIshe, uchaponeswa.14Zvino vachagodana sei kuna iye wavasina kutenda kwaari? Uye vachatenda sei wavasina kunzwa nezvake? Vachanzwa sei vasina muparidzi?15Vachaparidza sei vasingatumwi? Sezvazvakanyorwa zvichinzi: Dzakanaka sei tsoka dzevanoparidza evhangeri yerugare, nevanoparidza mashoko emufaro ezvinhu zvakanaka?16Asi vose havana kuteerera evhangeri. Nekuti Isaya unoti: Ishe, ndiani wakatenda zvatakaparidza?17Naizvozvo rutendo rwunouya nekunzwa, nekunzwa neshoko raMwari.18Asi ndinoti: Havana kunzwa here? Hongu zvirokwazvo, Inzwi ravo rakaenda kunyika yose; nemashoko avo kumigumo yenyika.19Asi ndinoti: Israeri haana kuziva here? Pakutanga Mozisi unoti: Ndichakumutsirai godo kwete nevatorwa, nerudzi rusingafungi ndichakutsamwisai.20NaIsaya une ushingi uye unoti: Ndakawanikwa nevasina kunditsvaka; ndakaratidzwa kune vasina kundibvunza.21Asi kuna Israeri unoti: Zuva rose ndakatambanudza maoko angu kuvanhu vasingateereri, nevanokakavara.