Shona

Romans

9

1Ndinotaura chokwadi muna Kristu, handinyepi, hana yangu ichindipupurira muMweya Mutsvene,2kuti ndinoshushikana kwazvo neshungu dzisingaperi mumoyo mangu.3Nekuti ndaishuva kuti ini ndomene ndipiwe rushambwa kuna Kristu nekuda kwehama dzangu, ivo verudzi rwangu panyama;4ndivo vaIsraeri vane kuitwa vana nekubwinya nesungano nekupiwa kwemurairo, neushumiri, nezvivimbiso;5madzibaba ndeavo, naKristu wakabva kwavari panyama, iye uri pamusoro pezvose, Mwari unokudzwa narinhi. Ameni.6Kwete shoko raMwari serakakundikana. Nekuti havazi vaIsraeri vose vakabva kuvaIsraeri;7Kana nekuti imbeu yaAbhurahamu, vose vana, asi zvinonzi: Kuna Isaka ndiko kuchatumidzwa mbeu yako.8Ndiko kuti: Avo vari vana venyama, ava havasi vana vaMwari; asi vana vechivimbiso vanoverengerwa kumbeu.9Nekuti iri ishoko rechivimbiso rinoti: Nenguva ino ndichauya, uye Sara uchava nemwanakomana.10Handizvo chete; asi Ribhekawo wakati ava nemimba kune umwe, iye Isaka baba vedu;11nekuti vana vasati vaberekwa, kana kumboita chakanaka kana chakaipa kuti zano raMwari maererano nesananguro risimbiswe, kwete namabasa, asi naiye unodana,12zvakanzi kwaari: Mukuru uchashumira mudoko,13Sezvazvakanyorwa zvichinzi: Jakobho ndakamuda, asi Esau ndakamuvenga.14Zvino tichatiyi? Kusarurama kuriko kuna Mwari here? Ngazvisadaro!15Nekuti unoti kuna Mozisi: Ndichava netsitsi kune wandichava netsitsi naye, ndichava netsitsi kune wandinetsitsi naye.16Naizvozvo zvino hazvisi zveunoda, kana unomhanya, asi zvaMwari unonzwira tsitsi.17Nekuti Rugwaro runoti kuna Farao: Ndizvozvi zvandakakumutsira, kuti ndiratidze simba rangu mauri, uye kuti zita rangu riparidzwe panyika yose.18Naizvozvo unonzwira tsitsi iye waanoda; uye unowomesa moyo wewaanoda.19Zvino iwe uchati kwandiri: Iye uchawanirei mhosva? Nekuti ndiani ungapikisa kuda kwake?20Haiwa, asi iwe munhu ndiwe ani unokakavadzana naMwari? Ko chinhu chakaumbiwa chingati here kune wakaumba: Wandiitirei sezvizvi?21Ko muumbi haana simba pamusoro pevhu here, kuti nebundu rimwe aite mudziyo umwe unokudzwa, neumwe unozvidzwa?22Zvino kana Mwari achida kuratidza kutsamwa kwake, nekuita kuti simba rake rizikamwe, atakura nemoyo murefu midziyo yekutsamwirwa yakagadzirirwa kuparadzwa;23uye kuti azivise fuma yokubwinya kwake pamidziyo yetsitsi, yaakagara agadzirira kubwinya,24yaakadanawo uye yatiri isu, kusiri kuvaJudha chete, asi nekuvahedheni?25Sezvaanorevawo kuna Hosiya achiti: Vakange vasi vanhu vangu ndichavaidza vanhu vangu; naiye wakange asingadikamwi mudikamwa.26Zvino zvichaitika kuti panzvimbo pakanzi kwavari: Hamuzi vanhu vangu, ipapo vachaidzwa vana vaMwari mupenyu.27Isaya unodanidzirawo maererano naIsraeri achiti: Kunyange uwandu hwevana vaIsraeri hukaita sejecha regungwa, vakasara vachaponeswa;28nekuti uchapedza basa nekugurisira mukururama nekuti basa rakagurisirwa richaitwa naMwari panyika.29Sezvaakagara zvareva Isaya, achiti: Kunze kwekuti Ishe wehondo atisiira mbeu, tingadai takaitwa seSodhoma, takaitwa vakafanana neGomora.30Zvino tichatiyi? Kuti vahedheni vasingatsvaki kururama, ndivo vakawana kururama, iko kururama kwerutendo;31asi Israeri achitsvakisisa murairo wekururama, haana kusvika pamurairo wekururama.32Nei? Nekuti havana kutsvaka nerutendo, asi nezvainge namabasa emurairo, nekuti vakagumburwa nebwe rinogumbura.33Sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Tarira, ndinogadza paZiyoni ibwe rekugumbura, nedombo rekupinganidza; uye ani nani unotenda kwaari haanganyadziswi.